WASHINGTON DC —
Komiti yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, inoti iri kushushikana zvikuru nekushomeka kwemadzimai pamwe nevechidiki vari kupinda mumisangano yayo.
IMPI iri kutenderera nenyika ichinzwa pfungwa dzevanhu pamusoro pemaburitsirwo enhau munyika.
Sachigaro wekomiti iyi, VaGeoff Nyarota, vanoti hazvinakidzi kuti nyaya dzine chekuita nemadzimai kana vechidiki dzipedzisire dzopindurwa navana baba, vanove ndivo vari kunyanya kupinda misangano yavo.
VaNyarota vanotiwo komiti yavo yakasunga kuti vasataura nezviri kubva muvanhu sezvo vasiri kuda kufumura zvichange zviri mugwaro ravachaburitsa muna Nyamavhuvhu kana vapedza chirongwa chavo.
Asi vanoti hurongwa hwavo huri kufamba zvakanaka chose.
Komiti iyi yakatopinda kare mumatunhu anoti Manicaland, Matabeleland North Matabeleland South, Midlands, Masvingo pamwe neBulawayo, kunyange hazvo isina kunyatsopedzisa dzimwe nzvimbo mumatunhu aya.
Svondo rinouya komiti iyi iri kutarisirwa kuita misangano mumatunhu eMashonaland East, Mashonaland West, Mashonaland Central yozopedzisira nemuHarare.
VaNyarota vanoti kana vapedza neHarare, vachadzokera zvakare kumatunhu anoti Masvingo neMidlands kune dzimwe nzvimbo dzavasina kunyatsopedzisa kuita misangano iyi.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaGeoff Nyarota