WASHINGTON DC —
Vagari vemumusha weBudiriro vanoti kuti nhau dzibude sezvadziri munyika, vezvematongerwo enyika nevari mumasimba havafanirwi kupindira mukuburitswa kwadzo.
Izvi zvabuda pamusangano waitwa nekomiti yeInformation and Media Panel of Inquiry, IMPI, nevagari vemumusha weBudiriro wekunzwa pfungwa dzavo pamabuditsirwo enhau munyika.
Mumwe mutori wenhau ataura akazvimirira, Garikai Chaunza, anoti vagari ava vakurudzirawo kuti hurumende ikasike kupa marezinesi kunhepfenyuro dzemunharaunda kana kuti community radio stations, senzira yekupa mukana kuvanhu vese kuti vanzwewo pamwe nekuburitsa zviri kuitika mumatunhu avo.
Anotiwo vapinda mumusangano uyu vati vanoteerera kunhepfenyuro dzekunze dzakaita seStudio 7 sezvo vachiona sedzinovapa nhau dzisina kwadzakarerekera.
Zvinonzi vanhu vatiwo komiti iyi iri kungopedza nguva sezvo matambudziko akatarisana nekuburitswa kwenhau munyika akakonzerwa nevave gurukota rezve kuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vati ndivo vanofanirwa kuagadzirisa.
IMPI yaitawo misangano yakati kuti muHarare kusanganisira kuHarare International Conference Centre, nekuStodart Hall kuMbare.
Svondo rinouya komiti iyi inenge yodzokera munzvimbo dzaisina kusvika mumatunhu anoti Masvingo neGweru.
Nyanzvi mune zvenhau vachishanda vakazvimirira, VaTakura Zhangazha, vanotiwo havafungi kuti veruzhinji vakapiwa mukana wekuti vanzwisise kuti basa reIMPI
rakamira sei.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTakura Zhangazha
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naGarikai Chaunza