Amnesty International Yokurudzira Zimbabwe Kutora Matanho paKodzero dzeVanhu
Jonga Kandemiiri
Amnesty International inoti hurumende yeZimbabwe ine zvakawanda zvainotarisirwa kuita mukati memakore mashanu anotevera
WASHINGTON DC —
Apo hurumende yeZimbabwe yave kusvitsa mazuva zana kubva payakaumbwa, sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International riri kukurudzira hurumende kuti itore matanho akakodzera kuitira kuti ione kuti yazadzisa zviga zvepasi rose pamwe nezvisungo zvayo munyaya dzeupfumi pamwe nemagariro nekodzero dzevanhu.
Sangano iri raburitsa gwaro rinotarisa zvinokwanisa kuitwa nehurumende mukati memakore mashanu anotevera, rinonzi ‘Human Rights Agenda for the New Government-2013 to 2018’.