Guta reHarare Rorwisa Kuti Vashandi Vasaramwa Mabasa

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vekanzuru yeHarare vanonzi vave nemwedzi mitatu vasina kutambira mari dzemihoro

Kanzuru yeHarare yapinda mumusangano wechimbi chimbi neChitatu zvichitevera yambiro yapihwa kanzuru iyi nevashandi vayo yekuti vari kuda kuramwa mabasa.

Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vatenda kuti vashandi veguta ravo vari kuronga kuramwa mabasa, vakati vatomboita musangano wechimbichimbi nevamiriri vevashandi vakazeya dambudziko iri.

Vatiwo vanotarisirwa kuita mumwe musangano mukuru nevose vane chekuita nekufambiswa kweguta iri nemusi weChishanu.

VaManyenyeni vanoti kanzuru yavo iri kubvuma kuti ine zvikwereti zvevashandi asi pachine mukana wekuti vagare pasi vawirirane pasati patorwa matanho ekuramwa mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaBernard Manyenyeni

Izvi zvinoitika panguva iyo vashandi vekanzuru yeChitungwiza vari kuramwa mabasa.

Mashoko atatambira asina kutsinhirwa anoti gurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, vanyora tsamba yekuti vashandi vekanzuru yeChitungwiza vatsanangure kuti sei vari kuramwa mabasa, sezvinodiwa nemutemo pasati paiswa mutongo.

Kunetsana kwevashandi nekanzuri yavo kuri mumaoko ebazi rezvevashandi.

Asi magweta evashandi anoti anga asati aona tsamba iyi sezvo anga asiri muhofisi panguva yatavabata.

Tatadzawo kubata meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, sezvo nhare yavo yanga isiri kudairwa

Kuramwa mabasa kuri kuitwa nevashandi uko kwapinda muzuva rechishanu.

Vashandi vanonzi vari kuda kubhadharwa mihoro yavo iyo inonzi yave nemwedzi gumi nemina, asi kanzuru inonzi iri kuti haina mari sezvo vagari vari kutadzawo kubhadhara mitero yavo.

Mamwe maguta emunyika anonzi ari kutarisanawo nematambudziko ekushaikwa kwemari izvo zvinonzi zvinogonawo kuita kuti vashandi vemaguta aya varamwewo mabasa.

Vaimbowe meya weGweru uye vari munyori wezvematunhu mudare remakurukota reMDC T, VaSesil Zvidzai, vanoti vanopomera gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, mhosva yekukurudzira kuti makanzuru arase zvikwereti zvevagari munguva yesarudzo, vachiti mari dzakaraswa idzi dzaikwanisa kubatsira makanzuru zvakanyanya kubhadhara zvikwereti.

Asi vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti zvirango zvakatemerwa nyika ndizvo zviri kusunga makanzuru aya kuti atadze kuita basa nemazvo.

Vanotiwo makanzuru ari kutungamirwa nebato reMDC-T ndiwo ari kutadza kuita basa nemazvo achitungamidza zvinhu zvisina maturo, zvakaita sekutenga zvikakarara zvemotokari achitadza kubhadhara vashandi mihoro yavo.

Asi mashoko aya anorambwa naVaZvidzai, avo vanoti bato reZanu PF ndiro riri kutungamidza zvirongwa zvisina musoro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSesil Zvidzai pamwe naVaGadzira Chirumhanzu