Varimi Vonyunyuta neMutengo Mutsva weChibage

  • Jonga Kandemiiri
Varimi vanonzi havasi kufara nemutengo mutsva wechibage wakaziviswa neChipiri negurukota rezvekurima, VaJoseph Made.

Mutengo uyu wakaziviswa mushure memusangano wedare remakurukota, uyo unonzi wakatenderana mutengo mutsva wemadhora mazana matatu nemakumi mapfumbamwe patani.

Mari iyi iri kukwira kubva pamadhora mazana matatu nemakumi masere nemashanu.

Mukuru werimwe sangano revarimi reZimbabwe Farmers’ Union, VaPaul Zachariah, vanoti masangano evarimi akasangana svondo rapera akawirirana kuti mutengo wechibage unofanirwa kuve pakati pemazana mana emadhora nemadhora mazana mana nemakumi maviri patani.

VaZachariah vanotiwo mutengo mutsva uyu uchaita kuti varimi vasada kudzokera mumunda kunorima zvakare chibage vachisiya zvimwe zvirimwa zvakaita sefodya nedonje zvine mari.

Asi hurumende inonzi iri kuti yakasvika pamutengo uyu ichitarisawo kuti hauzoiti here kuti mutengo weupfu ukwirisise.

Gore rapera varimi vakawanda vakapedzisira votengesa chibage chavo pamisika mitema yaipa mari yakawanda zvichienzaniswa nemutengo waitengwa chibage chavo neGrain Marketing Board, GMB, inova ndiyo chete yakapiwa mvumo yekutenga chibage nehurumende.

Nyika iri kutenga chibage kubva kunze nekuda kwekuti varimi vazhinji vakasiya kurima mbeu iyi nekuda kwkuederera kwemutengo, zvichienzaniswa nemari dzavanenge vashandisa mukutenga zvinodiwa pakurimisa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPaul Zachariah