VaBiti Vanoti Hapana Kurwira Masimba muMDC-T

  • Jonga Kandemiiri

VaTendai Biti

Munyori mukuru weMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti, vanoti hapana kukakatirana masimba mubato ravo sezviri kuburitswa mumapepanhau.

VaBiti vanoti bato ravo riri mushishi yekuzvisimudza nekuzvizunza huruva, mushure mekubirwa musarudzo neZanu PF.

Vachipindura mubvunzo wekuti mubato ravo mune kusawirirana kunonzi kwasvitsa pakuve nezvikwata, chimwe chinonzi chinotungamirwa naivo VaBiti, munyori mukuru weMDC T iri anoti bato ravo rakatarisana nenyaya hombe yekuzvimisa zvakare kuti rizadzise zvinangwa zvarakaumbirwa, zvekuyambutsa vana veZimbabwe kubva mujoki rehutongi hweZanu PF, kwete zvekuisana mapanga pahuro vachirwira hutungamiri.

VaBiti vanoti nyaya yekuti mubato ravo mune zvikwata inyaya yavanoverengawo mumapepanhau pasina vati vataurawo navo pamusoro payo.

VaBiti vanoti zviri kuna Mwari kushara mutungamiri anokwanisa kuyambutsa vana veZimbabwe, uye bato ravo rine mutungamiri mumwe chete Doctor Richard Morgan Tsvangirai.

Pane mashoko akawanda pamusoro pehutungamiri hwebato iri, vamwe vachinzi vari kuti hushandurwe kupindewo vatsva.

MDC T iri kutarisirwa kuita musangano mukuru, we congress muna 2016, apo pachasarudzwa hutungamiri hutsva kana kudzoserwa kwevatungamiri vari pazvigaro pari zvino.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTendai Biti