WASHINGTON DC —
Mhuri dzinodarika makumi maviri dzakadzingwa kuShamva North papurazi reCeres kuMashonaland Central, rinove regurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche, dzinoti dzichakaungana parutivi pemugwagwa weShamva-Harare masvondo maviri dzadzingwa kubva papurazi apa.
Mumwe wevakadzingwa papurazi apa, VaShadreck Sibanda, vanoti vakadzingwa nechikonzero chekuti vanotsigira bato reMDC T, iro rakakundwa musarudzo neZanu PF.
VaSibanda, avo vakakwikwidza musarudzo dzemakanzura vachimirira MDC T, vanoti chiri kunyanya kuvarwadza ndechekuti vazhinji vavo vakaberekerwa papurazi iri zvekuti havana kumwe kwavanoziva kunze kweCeres Farm.
VaSibanda vanoti vanhu vanodarika makumi manomwe, kusanganisira vana vadiki, vari kurara panze uye midziyo yavo yakawanda inosanganisira chikafu yakaparadzwa muchiitiko ichi.
VaGoche vanonzi vakatora purazi iri pakatanga chirongwa chekutorwa kweminda vakawana vashandi ava varipo.
Zvinonzi vakambovashandisa kwemakore akati kuti vasingavabhadhare izvo zvinonzi zvakazoita kuti vamwe vevashandi ava vatange kuita mamwe mabasa ekuzvibatsira, asi vachigara papurazi apa.
Hatina kukwanisa kubata VaGoche kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaShadreck Sibanda