Hurumende Yochenura Muchetura kuHwange National Park

  • Jonga Kandemiiri

Nzou dzakawanda dzinonzi dzakafa mushure mekudya ivhu rine muchetura wecyanide wakadirwa pagokoro

Hurumende, kuburikidza nebazi reNational Parks and Wildlife Management Authority, richishanda pamwe nebazi reEnvironmental Management Agency, EMA, inoti yatanga hurongwa hwekuchenura muchetura wecyanide wakashandiswa pakuvhima zvisiri pamutemo muHwange National Park, izvo zvakaurayisa nzou makumi mapfumbamwe pamwe nedzimwewo mhuka.

Mutauriri weNational Parks, Muzvare Caroline Washaya-Moyo, vanoti muchetura uyu wakaita zvekuiswa muvhu rinodyiwa nenzou, kana kuti gokoro, izvo zviri kuita kuti basa rekuuchenura riti omeyi zvishoma.

Hurumende inoti nzira iri kushandiswa kubvisa muchetura uyu ndeyekuchera ivhu rose repamusoro munzvimbo dzakawanikwa mushonga uyu, richizonochererwa pasi kure panzvimbo yakachengetedzeka.

Vanhu vatanhatu, kusanganisira nyakutengesa muchetura uyu, vakatosungwa, vamwe vakamiswa pamberi pematare vamwe vavo vakapiwa mitongo iri pakati pemakore gumi nemashanu negumi nematanhatu ekugara mujeri.

Muzvare Washaya-Moyo vanotiwo chikwata chakasimba chehurumende chaitungamirirwa negurukota rezvemvura nezvakatikomberedza, VaSaviour Kasukuwere, chakashanyira dunhu reTsholotsho svondo rapera neChishanu chikasangana nevagari nemadzishe vachizeya nezvedambudziko iri.

Muzvare Washaya-Moyo vanoti vagari vakaratidza kushushikana nechiitiko chekuurayiwa kwemhuka ichi, uye vakakumbirawo ruregerero kuhurumende vachiti vana vavo vakawanda vakange votiza misha yavo vachienda kuSouth Africa mushure mekusungwa pamwe nekutongwa kwevamwe vavo.

VaKasukuwere vanonzi vakazopawo vagari ava kusvika kupera kwemwedzi uno kuti kana pane vachine muchetura mudzimba dzavo vasarende muchetura uyu kunashe, avo vanozousvitsa kuhurumende.

Chimwe chichemo chinonzi chakasvitswawo kuchikwata ichi nevagari ava ndechenzara, iyo vakati yapfunya chisero mudunhu iri.

Mumwe wechikwata chehurumende ichi, uye vari gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, vanonzi vanzwa nezvedambudziko iri vakavimbisa kupa mhuri yoga yoga tsaga rimwe chete rechibage.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Caroline Washaya Moyo