Veruzhinji Vopihwa Mukana weKupa Pfungwa paBhiri reSarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Muzvare Jessie Majome

Komiti yeparamende yezvemitemo inoti iri kutanga kupinda muvanhu kubva nemusi weChishanu ichinzwa pfungwa dzavo pamusoro pebhiri riri kuda kuvandudza mutemo wesarudzo, reElectoral Amendment Bill.

Bhiri iri ratove mudare reparamende mushure mekupfuura mudare reseneti zvisina dambudziko.

Sachigaro wekomiti iyi, uye vari mumiriri weHarare West muparamende vachimiririra MDC T, Muzvare Jessie Majome, vanoti komiti yavo ichange ichipa mukana kune veruzhinji kuti vapewo pfungwa dzavo, idzo dzichazounganidzwa mugwaro richazosvitswa kumatare eparamende pamwe nekugurukota rezvemitemo.

Danho rekunzwa pfungwa dzevanhu iri richaitwa kwemazuva matanhatu.

Muzvare Majome vanoti vachatanga neChishanu kuenda kuRushinga mudunhu reMashonaland Central, neMugovera voenda kuCity Hall, muGweru pamwe neku Inyati kuMatabeleland North.

Muzvare Majome vanoti neSvondo mangwanani vachange vari paPlumtree Business Centre, vozoti masikati voenda kuBulawayo paSmall City Hall.

NeMuvhuro vachange vari muMasvingo nekuNyika Growth Point, Chipiri voenda kuMutasa District Offices kuManicaland, vozopedzisira nemuHarare nemusi weChitatu apo vanenge vachisangana neveruzhinji paparamende.

Muzvare Majome vanoti vari kukurudzira veruzhinji kuti vasapfeka mbatya dzemapato avo pavanenge vachipinda mumisangano iyi.

Vanotiwo nekuda kwekushaya mari, komiti yavo ichatadza kupinda mumatunhu eMashonaland East neMashonaland West.

Danho rekuenda kune varuzhinji iri rinouya panguva iyo bato reMDC T riri kupomera bato reZanu PF mhosva yekumhanyisa bhiri rezvesarudzo iri muparamende zvine chitsotsi nehuguruvhani.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Jessie Majome