Vakawanda Vobatsirwa Kuvhota kuMashonaland

  • Jonga Kandemiiri
Vanhu vakawanda mumatunhu eMashonaland vanoti vanga vachimanikidzwa kuti vabatsirwe pakuvhota kana vachifungidzirwa kuti inhengo dzeMDC.

Vari kukwikwidza vakamirira bato reMDC T kuUzumba, Mashonaland East, VaPeckson Kazingizi, vanoti vanhu vazhinji vabatsirwa nevechidiki veZanu PF pamwe nevakarwa hondo yerusununguko kuvhota vachinzi havakwanisi kunyora kana kuverenga.

Vachipa muenzaniso, VaKazingizi vati sepachikoro chepaMashambanhaka pavanga vari, mushure mekunyunyuta kwavo vanhu vabviswa kumutsetse wekuvhota vakaendeswa pakiriniki iri pedyo vachizodzoka kwapera kanguva vaiswa mabhandeji mumaoko vachiti havachakwanisi kunyora.

VaKazingizi vanoti vasvitsa zvinyunyuto zvavo kune vakuru veZEC, avo vati vavaudza kuti havana zvavanokwanisa kuita panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPeckson Kazingizi