WASHINGTON DC —
Sangano revechidiki reZimbabwe Organisation for Youth in Politics, ZOYP, rinoti riri kushushikana zvikuru nekwarinoti kushungurudzwa pamwe nekutyisidzirwa kuri kuitwa nhengo dzebato reMDC T mudunhu reGokwe kuMidlands North nevatsigiri veZanu PF.
Sangano iri rinoti raunganidza humbowo hunoratidza kuti vatsigiri veZanu PF, avo vanozivikanwa mudunhu iri, vari kumanikidza vatsigiri veMDC T, zvikuru kuWard 7 kwaHuchu muGokwe kusarenda zvipfeko zvebato ravo, pamwe nekubvarura mapepa ari kushambadza musangano uchaitwa nemutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, nevatsigiri vavo mudunhu iri nemusi weChitatu.
Mukuru wesangano reZOYP, VaNkosilathi Moyo, vaudza Studio7 kuti vanonzi vari kutungamira mumhirizhonga iyi vanosanganisira mutevedzeri wasachigaro weZanu PF muWard 7 avo vangonzi VaMutambisi, sabhuku Edward Ruvaka pamwe naVaTafadzwa Dhokotera, avo vanonzi ndevechidiki veZanu PF.
Asi sachigaro weZanu PF mudunhu reMidlands, VaJason Machaya, varamba mashoko ekuti nhengo dzebato ravo dziri kushungurudza vatsigiri veMDC-T.
VaMachaya vanoti mudunhu mavo mune runyararo rwukuru kwazvo, vachiti vari kukurudzira ani nani zvake ari kushungurudzwa kuti amhan’are kumapurisa.
Sachigaro vesangano reZimbabwe Christian Alliance, Reverend Ray Motsi, vanoti veruzhinji havafanirwe kunyengetedzwa nemari nedoro kuti vaite zvemhiringa munguva yekutsvaga rutsigiro sarudzo dzisati dzaitwa.
VaMotsi vanoti sangano ravo riri kuita zvirongwa zvekudzidzisa veruzhinji kukosha kwakaita runyararo panguva dzesarudzo.
VaMotsi vanoti munguva yesarudzo dzemuna 2008, vamwe vagarisani kumaruwa vakarwisa vamwe vavo vanhu vakawanda vakasara vaparadzirwa misha, vamwe vakafa.
VaMotsi vanoti zvakaitika muna 2008 hazvifanirwe kudzokororwa zvakare gore rino.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaNkosilathi Moyo

Hurukuro naVaJason Machaya

Hurukuro naReverend Ray Motsi