Mapato eMatongerwo eNyika Oita Musangano neZEC

  • Jonga Kandemiiri

Sangano rezvesarudzo, ZEC

Vamiriri vemapato ezvematongerwo enyika anosvika gumi nemasere vasangana nekomisheni yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti vaonesane panyaya dzine chekuita nesarudzo.

Chikuru chinonzi chanyanya kukurukurwa nezvacho pamusangano uyu inyaya yekunyoreswa kwevanhu kuti vazokwanisa kuvhota, iyo inonzi nemapato akawanda haisi kufambiswa zvakanaka.

Mamwe emapato aya anonzi akurudzirawo ZEC kuti igadzirise nyaya yekuti munhu anofanirwa kuve netsamba inobva kuna sabhuku, kana kuti muridzi wepamba paanogara, kana ari mudhorobha, kuitira kuti akwanise kunyoresa.

Mapato aya, anosanganisira MDC T, MDC-N neMavambo-Khusile-Dawn, anoti izvi zvinotadzisa vamwe kuwana mukana wekunyoresa sezvo masabhuku aya pamwe nevaridzi vedzimba vachikwanisa kuisa zvematongerwo enyika mukati.

Imwe nyaya inonzi yakurukurwa ndeyekuti hofisi yamabharani mukuru wenyika, Registar General, ibvumidze vane vabereki vekunze kwenyika kunyoresa kuitira kuti vakwanise kuzovhota. Pari zvino hofisi iyi inonzi iri kurambidza vanhu ava kunyoresa ichiti mutemo mutsva unovabvumidza hausati wave kushanda.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti bato ravo razivisawo nechido chebato ravo chekuti vashandi vekuZEC vakabva mumapazi akaita sevasori, nemapurisa, vabviswe, koiswe vanhu vasina kwavakarerekera.

Vatiwo bato ravo raramba kutambira mashoko akaziviswa neZEC svondo rapera ekuti yakachenesa gwaro revavhoti, richiti mabharani mukuru, VaTobaiwa Mudede vakundikana kuratidza humbowo hwekuti vakachenesa gwaro iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora


Mapato aya anonzi achemachemawo nemari dzavari kunzi vabvise kuitira kuti vakwanise kuwana gwaro revavhoti, idzo vati dzakawandisa chose.

Gwaro revavhoti repa wadhi rinonzi riri kuita madhora gumi nemashanu.

Nyika ine mawadhi anosvika chiuru nemazana mapfumbamwe nemakumi mashanu ane masere izvo zvinozoita kuti mutengo wegwaro renyika yose ude kusvika pamadhora zviuru makumi matatu.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vapirwa zvabuda mumusangano uyu nevapinda vakamirira bato ravo, VaSydney Sekeramayi. Studio7 haina kukwanisa kubata VaSekeremayi apo taenda pamhepo.

Asi VaGumbo vanoti bato ravo riri kufara nemashoko eZEC ekuti yakatanga kuchenesa gwaro revavhoti kuburikidza nekubvisa mazita evanhu vakafa mugwaro revavhoti.

Vakurudzirawo kuti mapato ezvematongerwo enyika asiyane netsika yekunyoresa vanhu kuti vave vavhoti, vachiti mapato anofanirwa chete kungokurudzira nhengo dzawo kunyoresa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo


Munyori anoona nezvekukurudzira vanhu kuti vapinde mubato reMavambo-Khusile-Dawn, VaChenjerai Gwanzura, vaudzawo Studio 7 kuti bato ravo rakurudzira kuti munhu wese abvumidzwe kunyoresa kana achingove nechitupa kana pasipoti.

Vatiwo hofisi yaVaMudede inofanirwa kuchisiira basa rekunyoreswa kwevavhoti kuZEC sezvo yakawandirwa nebasa pari zvino.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nasachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, avo vanzi vanga vari mumisangano neMuvhuro wese.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaChenjerai Gwanzura