MDC T Inotambira Mapepa eVachakwikwidza Musarudzo dzemaPrimary eBato

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora vanoti vachakwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri vanofanirwa kunge vagara mubato iri kwemakore mashanu kana kudarika

Nhengo dze national executive nenational council dzebato reMDC-T inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai dzaita musangano muHarare dzakatambira mazita evanhu chiuru vachakwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo, kana kuti ma primary elections, idzo dzinonzi dzichaitwa mwedzi uno.

Mutauriri webato iri VaDouglas Mwonzora vati pamazita chiuru avatambira, pane vamwe vakabva kune mamwe mapato akaita seZanu PF neMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, nevamwe vaive vatori venhau vanosanganisira VaGeoff Nyarota naVaEric Knight.

Vatiwo pane mapepa mazana maviri arambwa nezvikonzero zvakasiyanasiyana, zvakaita sekuti munhu agara zvakadii mubato ari nhengo.

Mapato eMDC-T neZanu PF anonzi ari kutemeswa musoro nenyaya yekuti angabata sei nyaya yekutsvaga vachaamirira musarudzo, sezvo vamwe vachinzi vari kunyunyuta nenzira dzichashandiswa musarudzo dzema primary.

Mutauriri webato reZanu PF VaRugare Gumbo vaudza Studio 7 kuti bato ravo richiri kugadzirisa nzira dzekutsvaga nadzo vacharimirira musarudzo, kunyange hazvo vamwe mubato iri vari kuti pakatoumbwa kare mitemo yekutevera iyo isati yaziviswa chete kune veruzhinji.

Mitemo iyi inonzi inosanganisira dzidzo inosungirwa nhengo kuti ive nayo kuti ibvumidzwe kukwikwidza, makore agarwa nemunhu uyu mubato nezvimwe zvakadaro.

Izvi zvinonzi zvingangounza kusawirirana muZanu PF, sezvo kuine vamwe vanonzi vari kuzviramba.

Mapato aya ari maviri anonziwo nevamwe mitemo yaari kuisa pasarudzo dzema primary ndeyekuda kuchengetedza nhengo dzeparamende dziripo pari zvino nekudzivisa vari kuda kuvakwikwidza kuti vasapinda musarudzo.

VaMwonzora vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvakurukurwa mumusangano uyu mafambiro akaita sarudzo dzereferendamu, kushungurudzwa kunonzi kuri kuitwa vemasangano akazvimirira nevatongi vematare nenyaya yekuti sarudzo dzingaitwa riini munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora