MDC-T Yotara Masarudzirwo eVachamirira Bato Pachaitwa Sarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Vatsigiri veMDC-T

Hutungamiri hweMDC-T, kuburikidza neNational Executive yebato, hwasangana muHarare neChipiri hukabuda nenzira dzichashandiswa nebato iri mukusarudza vanhu vachamirira bato iri musarudzo dzingangoitwa gore rinouya.

Bato iri rinoti richashandisa bumbiro raro pakuita sarudzo idzi. Pasi pemutemo webato unobata nyaya dzesarudzo, vanenge vaine zvinzvimbo zvavanazvo zvakaita senhengo dzeparamende, makunzura nemameya, vanopihwa mukana wekuvhoterwa nehutungamiri hwenzvimbo dzavanomirira. Kuti munhu atambirwe semumiriri webato muchinzvimbo chaanacho, anofanirwa kuwana rutsigiro hunosvika zvikamu makumi matanhatu nezvitanhatu kubva muzana.

Kana munhu akatadza kuwana rutsigiro urwu, panobva paitwa sarudzo dzekutsvaga munhu achamirira bato musarudzo, kana kuti primary election.

Musangano weNational Council uri kutarisirwa kuitwa nemusi weChitatu ndiwo uchabuda nemazuva achaitwa sarudzo dzemubato dzekutsvaga vachamirira bato iri musarudzo.

Asi vamwe mubato iri vari kudawo kukwikwidza vanoti danho iri rakaitirwa kuchengetedza vamwe vatungamiri vari muzvinzvimbo kare, izvo zvichaita kuti vanenge vachidawo kukwikwidza vatadze kuwana mukana uyu.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti musangano wavo vasungawo kuti vachakwikwidza musarudzo vanofanirwa kunge vagara mubato kwemakore mashanu, kunze kwekunge vanenge vachibva kunze ava vanga vachishanda nebato iri kwenguva yakareba.

Ukuwo, Politburo yebato reZanu PF iri kutarisirwawo kusangana chero nguva kuti ionewo nzira dzaingatevera mukuita sarudzo dzekutsvaga vachamirira bato musarudzo.

Pane runyerekupe rwekuti zvimwe zvichateverwa muZanu PF zvinosanganisira kuti munhu akadzidza zvakadii uye kuti agara mubato iri kwenguva yakareba zvakadii.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora