Youth Agenda Trust Yodzidzisa Vechidiki Kodzero Dzavo dzeKuvhota

  • Jonga Kandemiiri
Rimwe sangano revechidiki reYouth Agenda Trust rinoti rakatoparura chirongwa chekudzidzisa vechidiki nezvekodzero dzavo dzekuvhota pamberi pesarudzo idzo dzingangoitwa gore rinouya.

Sangano iri rinoti richange richiita dzidziso iyi mumatunhu matanhatu emunyika anoti Harare, Bulawayo, Midlands, Mashonaland East, Mashonoaland West neMashonaland Central.

Sangano iri rinoti chirongwa ichi chichaitwa kubva muna Mbudzi kusvika sarudzo dzapera uye zvinenge zvabuda musarudzo zvaziviswa.

Youth Agenda Trust inoti ichange yakanangana nevechidiki vari kuda kuvhota kekutanga, nevasati vatora zvitupa kana kunyoresa kuti vavhote.

Mukuru wesangano iri, VaFortune Nyamande, vanoti zvimwe zvavari kudzidzisa vechidiki ava matambudziko avanogona kutarisirana navo.

VaNyamande vatiwo sangano ravo harisi kutyora mutemo wezvekuvhota uyo unoti masangano anenge achida kudzidzisa vanhu nezvekuvhota anofanirwa kutanga apiwa mvumo neZimbabwe Electoral Commission, sezvo ivo vari kungotarisa divi rekudzidzisa vechidiki nezvekodzero dzavo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFortune Nyamande