ZEC Yoronga Mutemo Unobvumidza Vari Kunze, Mumajeri, Kuvhota

  • Jonga Kandemiiri

ZEC iri kuronga kuumba gwaro idzva revavhoti.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, iri kuronga kugadzira gwaro revavhoti idzva, iro rinonzi richapa vari kunze kwenyika, muzvipatara nemumajeri mukana wekunyoresa kuti vazokwanisa kuvhota.

Izvi zvabuda pamusangano wemazuva maviri wakadaidzirwa neZEC uchipindwa nemapoka ose ane chekuita nezvesarudzo.

Musangano uyu wanga uri wekuzeya gwaro revavhoti idzva riri kuumbwa neZEC kuti rizoshandiswa mukunyoreswa kwevavhoti kana rikatambirwa.

Mukuru wesangano rinoongorora sarudzo reElection Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti musangano uyu wapa mukana kune vanoita zvesarudzo kuti vaonewo zviri kuitwa neZEC.

Mugwaro iri, ZEC inonzi iri kurongawo kuti vanhu vabvumidzwe kuvhotera chete munzvimbo dzekuvhotera dziri munzvimbo dzavo dzavanogara dzinenge dziine gwaro remazita avo chete. Izvi zvinonzi inzira yekudzivirira chitsotsi nezvimwe zvakadaro.

Danho reZEC iri rinouya panguva iyo paine bhiri riri muparamende riri kuda kuti mutemo wesarudzo uvandudzwe, izvo zvinozotadzisa vari kunze kwenyika kuvhota, pamwe nemimwe mitemo.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanotiwo kunyange hazvo bato ravo risati ratambira gwaro rezvasungwa kumusangano uyu, harioni paine chakaipa pane zviri kurongwa kuitwa neZEC izvi.

VaGumbo vanoti vachazogara pasi sebato kana ZEC yaburitsa gwaro iro vachazozeya.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuti mamwe mapato ezvematongerwo enyika anotambira seyi danho reZEC iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTawanda Chimhini

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo