South Africa Inovhota Murunyararo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, nebato ravo reANC vari kutarisirwa kukunda musarudzo idzi

Zvizvarwa zveSouth Africa zvamirira kunzwa zvichabuda musarudzo dzaonekwa mamiriyoni nemamiriyoni evanhu vachivhota, kusanganisira vakazvarwa mushure mekunge nyika iyi yawana kuzvitonga kuzere muna 1994 avo vavhota kekutanga.

Vamwe vavhota vanoti vari kunyunyuta nepamusana pekuti bato riri kutonga reAfrican National Congress, ANC, riri kutadza kuwanira veruzhinji zvinhu zvakaita semvura nemagetsi.

Vamwe vari kuti vari kunetsekana nehuori huri kupomerwa mutungamiri webato reANC, VaJacob Zuma.

Asi zviri kubuda musarudzo zviri kuratidza kuti ANC ichawana mavhoti anodarika zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, izvo zvichapa kuti VaZuma varambe vari muhofisi huru yenyika kwemakore mashanu.

Zvichabuda musarudzo zvichaziviswa musi wa 10 Chivabvu.

Bato reDemocratic Alliance riri kutarisirwa kuva nerutsigiro rwakasimba mumaguta, asi richiri kunetsekana kuti ritambirwe nevanhu vatema vakawanda.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoongorora zvematongerwo enyika uye chichidzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa, VaRicky Mukonza, vanoti havaoni sarudzo idzi dzichikonzera shanduko yakanyanya sezvo bato reANC riri kungotarisirwa kukunda roenderera mberi nezvirongwa zvaro.

VaMukonza vanotiwo havaoni kudzikira kwehuremu hwemari yemuSouth Africa kuine chekuita nesarudzo sezvo zviri kuitikawo kumari dzekune dzimwe nyika dzakabudirira, dzakaita seAmerica.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRicky Mukonza