Varairidzi Vonyunyuta neDanho reHurumende Rekuti Vakafoira Chirungu neMasvomho Vadzokere kuChikoro

  • Jonga Kandemiiri

Masangano evarairidzi anoti hurumende haina kunzwawo pfungwa dzavo padanho rekuti varairidzi vaite zvidzidzo zvavakafera

Masangano evarairidzi anoti haasi kufara nedanho rinonzi rakatorwa nehurumende rekuti varairidzi vakadzidzira basa asi vasina kunge vakapasa zvidzidzo zveChirungu, Mathematics ne Science pa Ordinary Level vadzokere kuchikoro kunoita zvidzidzo izvi.

Bazi rezvedzidzo rinonzi rakatumira magwaro kuvakuru vezvikoro richivaudza kuti vanyore varairidzi vasina kupasa zvidzidzo izvi.

Hurumende inonzi iri kushanda nesangano reGlobal Partnership in Education remu America mukufambisa hurongwa uhwu.

Varairidzi vanonzi vanosungirwa kuti vange vave nezvidzidzo izvi pano pera gore rinouya ra 2015, kundikana kwavo vanozorasikirwa nemabasa.

Sangano reProgessive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti hurumende haifanirwe kungoita zano ndega pazvinhu zvine chekuita neupenyu hwevanhu, sezvo varairidzi ava vakatopasa kare zvidzidzo zvavo.

Munyori mukuru wePTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti zvakakosha kuti hurumende idzike mitemo mitsva iyi kune vari kupinda muzvikoro zvekudzidzira mabasa pari zvino, kwete kune vakapedza kare.

Mashoko aVaMajongwe aya atsigirwa nemukuru weZimbabwe Teachers Association, Zimta, VaSifiso Ndlovu, avo vaudzawo bepanhau reChronicle kuti kunyange hazvo vachitsigira zvirongwa zvino batsira varairidzi, hurumende haifanirwe kudzika mutemo uyu kuti ukanganise vanhu vakatopedza zvidzidzo zvavo kare vakapasa.

VaNdlovu vati varairidzi havafanirwi kuzopedzisira varasikirwa nemabasa nekuda kwehurongwa uhwu.

Hurumende inonzi yakatora danho iri nekuona kuderera kuri kuita huwandu hwevana vari kubudiririra muzvidzidzo izvi.

Vakuru vezvikoro vanonzi vakatotanga kuunganidza humbowo uhwu kubva muvarairidzi vavo, kuitira kuti vatumire kubazi rezvedzidzo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi rehurumende panyaya iyi.

Asi VaMajongwe vanoti sangano ravo rave kuronga kuti rikumbire kusangana nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vaone kuti bazi redzidzo ragadziriswa zvinhu zvisati zvanyanya kukanganisika.

Vanoti vachaona kuti vakumbira kuti gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora vabviswe mukutungamira bazi iri sezvo vari kuita zvisungo zvakawanda zvavanoona sezvinogona kunganisa dzidzo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe


Mukuru werimwe sangano revarairidzi, reTeachers Union of Zimbabwe, TUZ, VaManuel Nyawo, vanotiwo vari kurwadziwa zvikuru nedanho rehurumende iri, sezvo rakatorwa pasina kunzwawo pfungwa dzemasangano anomirira varairidzi munyika.

VaNyawo vanoti vave kuronga kuti masanngano evarairidzi asangane pasi peApex council kuti vabude nechisungo chimwe chete.

Vanotiwo vanofanirwa kusangana naVaDokora, sezvo vasati vamboedzawo kusangana navo kubva pavakapinda muhofisi gore rapera.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaManuel Nyawo