Zanu PF Inoti Hurongwa Hwayo hweUpfumi Huchashandiswa muHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri we Zanu PF VaRugare Gumbo

Zanu PF inoti ine hurongwa hwemafambisirwo anofanirwa kuitwa nyaya dzeupfumi nehurumende itsva yavepo.

Izvi zviri mugwaro rebato iri re Economic Blue Print, iro rinonzi richaparurwa mumazuva mashoma ari kutevera.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti gwaro iri, iro rinonzi “Zimbabwe Agenda for Socio Economic Transformation” ZIMASET, rakaumbwa nezvizhinji zviri muzvisungo zvakashandiswa nebato iri mukutsvaga rutsigiro.

VaGumbo vanotiwo gwaro iri rinochengetedza kukosha kwezvisungo zvebato ravo.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRugare Gumbo


Bato reMDC T pamwe nevamwe vanhu vaishoropodza zvisungo zveZanu PF munguva yesarudzo vachiti zvizhinji zvaivimbiswa nebato iri zvairema kuti zvizadziswe pachitariswa mamiriro akaita nyaya dzeupfumi.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora, vanoti vana veZimbabwe vanofanirwa kuziva kuti hapana chinobuda kubva mugwaro reZanu PF iri sezvo bato iri rakabuda nemagwaro akawanda chose mumakore makumi matatu nematatu aratonga.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora