Zimbabwe Stock Exchange Yoramba Ichiondomoka

  • Jonga Kandemiiri
Zvinhu zvinonzi hazvisi kuratidzika zvakanaka munyaya dzeupfumi munyika zvichitevera matanho anonzi atorwa nemamwe mabhanga ekumira kukweretesa mari pamwe nekuderedza huwandu hwemari inogona kutorwa nemunhu pazuva.

Kudonha kwemusika weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, uko kwapinda muzuva repiri neChipiri, kunonzi kwawedzerawo kuipa kwezvinhu.

Mumwe mukuru werimwe bhanga asina kuda kudomwa nezita anoti mabhanga amira kupa zvikwereti nekuti haachina mari sezvo mari iri kutenderera munyika iri shoma.

Mukuru uyu anotiwo mabhanga haasi kuziva kuti remangwana richange rakamira seyi zvichitevera kukunda kweZanu PF musarudzo. Zanu PF inoti ine gwara rekuvandudza zvinhu munyaya dzehupfumi kubudikidza nekutora zvikamu zvehupfumi mumabhanga ose ekunze ari munyika.

Izvi zvinonzi ndizvo zviri kukonzera mabhanga aya kuti aiite mudumbu sezvo Zanu PF yakashandisa mitemo yenyika mukutora zvikamu zvehupfumi mumakambani ose evekunze ari munyika.

Huremu hwemasheya muZSE hwadonha nezvikamu zviri pasi pezviviri kubva muzana (1.72%) kubva pazvikamu gumi nechimwe kubva kuzana (11%) pahwakasvika neMuvhuro.

Nyanzvi mune zveupfumi uye vachishanda neLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti hurumende itsva inofanirwa kushanda nemapoka ese mukumutsiridza zvakare upfumi hwenyika, kuitira kupa chivimbiso kune vanoda kudyara mari dzavo munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaProsper Chitambara