Vakawanda Voomerwa neHupenyu muZimbabwe

  • Jonga Kandemiiri

Zvinhu zvinonzi zvizere muzvitoro asi vanhu havana mari yekutenga nayo

Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka munyika munyaya dzeupfumi izvo zvinonzi zvave kuita kuti vamwe vakungure nguva yehurumende yemubatanidzwa apo vaidya vachipfachura.

Zvinhu zvinonzi zvainetsa hazvo munguva yehurumende yemubatanidzwa asi hazvina kusvika pakunyanya kuoma sezvazvinonzi zvave kuratidza kuita panguva ino.

Asika vakuru vakati matakadya kare haanyaradze mwana. Angove manatsa mukanwa chembere kurota ichiyamwa.

Pari nhasi zvinhu zvinonzi zvizere muzvitoro asi hapana mari yekuzvitenga nayo, izvo zvoita kuti vezvitoro vashaye kwekutengesera.

Zvikamu zvinodarika makumi masere kubva muzana zvevanhu zvinonzi hazvisisiri mumabasa sezvo makambani ari kuramba achivharwa.

Ukuwo vachiri pamabasa vacho vanonzi vari kutadza kupiwa mari dzavo dzemihoro paine nguva, ndokunge kana vazodzipiwa.

Mari iri kutenderera munyika inonzi ishoma kwazvo, izvo zvaita kuti kuve nedeflation uye kuti vamwe vatiwo zviri nani kuti hurumende idzose mari yenyika, kwete kuti varambe vachishandisa mari yekunze isiri kubatika.

Vamwe vanoongorora zveupfumi munyika vanoti chave kutodiwa pari zvino kuvandudza mitemo yezveupfumi iyo inonzi nevamwe ndiyo iri kutadzisa zvinhu kufamba sezvo pasina anoziva remangwana.

Maonero aya anotsigirwawo nasachigaro veZimbabwe Christian Alliance, Reverend Ray Motsi, avo vanotiwo chave kudiwa ndechekuti hurumende ibude pachena kuti zvinhu zvakaiomera kuitira kuti papindewo vamwe vanoibatsira mukufambisa hupfumi hwenyika.

Asi gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatozivisa kare kuti hurumende haisi kuzodzosa mari yemunyika nekukasika.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinogara kuSouth Africa asi chichiriritira mhuri iri kuZimbabwe, Muzvare Memory Chinyoka, vanotiwo vave kungoshandira kubatsira vari kumusha sezvo zvinhu zvakaoma.

Muzvare Chinyoka vanoti kuti zvinhu zvireruke hurumende inofanirwa kuona kuti yawanisa vechidiki mabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naReverend Ray Motsi Pamwe naMuzvare Memory Chinyoka