CHRA Inoti Kanzuru Yakanyarara Panyaya yeKuputswa kweZvivakwa muHarare

  • Jonga Kandemiiri

Hurumende yakamboputsira vagari dzimba pasi pechirongwa cheOperation Murambatsvina muna 2005

Rimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, CHRA, rinoti vagari havachaziva zvekutevera panyaya yekuputswa kwezvivakwa zvinonzi zvakavakwa zvisiri pamutemo, sezvo hurumende nekanzuru zvisiri kutaura nezwi rimwe chete.

Sachigaro weCHRA, VaSimbarashe Moyo, vanoti kanzuru yeguta reHarare haina zvairi kuita mukuzivisa vagari pamire nyaya iyi, sezvo vamwe mukanzuru vari kuti zvivakwa izvi zvichaputswa, ukuwo vamwe vachiti kanzuru haisi kuzoita izvi.

Munyori wekanzuru, VaTendai Mahachi, vaudza bepanhau reHerald kuti kanzuru ichambosendeka chirongwa ichi kuitira kupa mukana wekutaurirana nevagari.

VaMahachi vanoti vagari vane zvivakwa munzvimbo dzinokodzera, asi vasina mvumo yekanzuru, vanogona kupiwa mukana wekuti zvive pamutemo, uye vane zviri panzvimbo dzisingabvumidzwi vane mwedzi miviri yekuzviputsa voga.

Ukuwo meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti kanzuru yavo haina kana hurongwa hwekuputsa zvivakwa zvevanhu.

Danho rameya iri rinopikisana nebazi rezvekutongwa kwematunhu, iro riri kutungamira kuputswa kwezvivakwa izvi.

Kanzuru yeHarare iri pasi pameya webato reMDC T.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaSimbarashe Moyo