Kuonekwa kwaMai Matibenga kuMusangano weChikwata chaVaBiti Kokonzera Mutauro

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora

Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaDouglas Mwonzora, vanoti havashamisiki nekupinda kwakaita vakave sachigaro weboka remadzimai wekutanga uye vari mumiriri weKuwadzana West muparamande, Amai Lucia Matibenga, kumusangano wechikwata cheMDC Renewal Team kuMidlands South mukupera kwesvondo.

VaMwonzora vanoti bato ravo ragara richiziva kuti Amai Matibenga vakaenda kuchikwata chiri kukurudzira kushandurwa kwehutungamiri ichi, icho chiri kutungamirwa naVaTendai Biti.

Kuonekwa kwaAmai Matibenga kumusangano wechikwata chaVaBiti uku kunouya panguva imwechete vamwe vechidiki mubato iri mudunhu reManicaland vakazivisa kuti vakanga vasiya chikwata chaVaTsvangirai vachienda kuMDC Renewal Team.

Studio 7 yaedza kwazvo kubata Amai Matibenga kuti tinzwe pavamire asi nhare yavo yanga isiri kudairwa.

Asi mutauriri wechikwata chaVaBiti cheMDC Renewal Team, VaJacob Mafume, vanoti nhengo dzeMDC dzose dzakasununguka kupinda mumisangano yavo, zvisineyi kuti vave nhengo dzavo here kana kuti kwete.

VaMafume vanoti kana nguva yakwana, Amai Matibenga vachabuda voga vachitaura pavamire.