WASHINGTON DC —
Pave nekusawirirana mumasangano evashandi vehurumende zvichitevera danho rakatorwa nerimwe remasangano evarairidzi, reZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, rekuda kuti mihoro yevarairidzi vane magwaro ebasa itangire pamazana mapfumbamwe nemakumi masere ane madhora masere pamwedzi.
Svondo rapera ZIMTA yakasvitsa chikumbiro chayo ichi kugurukota rezvevashandi, VaNicholas Goche.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaGoche kuti vari kubata seyi chikumbiro cheZIMTA.
Zvaitwa neZIMTA zvinonzi zvasiyana nezvakawiriranwa nevamiriri vevashandi mwedzi wapera zvekuti mushandi wepasi ari muGrade B1, atangire pamadhora mazana mashanu nemakumi mana emadhora pamwedzi. Mari iyi ndiyo inzonzi inofambirana nePoverty Datum Line.
Murairidzi wepasi pasi anonzi ari muGrade D1.
Asi mukuru weZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vanoti hapana chashandurwa nesangano ravo, asi kuti vari kuda chete kuti nhengo dzavo dzibhadharwe mari inofambidzana nemihoro yemudunhu rekuchamhembe kweAfrica.
Munyori mukuru wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, vanoti vanotsigira danho reZIMTA iri vachiti mihoro inofanirwa kuenda ichikwira ichibva pasi.
Asi munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo hariwirane nezviri kudiwa neZIMTA, sezvo zviri kunze kwechibvumirano chavakaita semasangano ose anomirira vashandi vehurumende.
VaMajongwe vanoti masangano ose akawirirana kuti vashandi vachataura nezwi rimwe chete, kwete kutanga kupatsanurana kwaratidzwa neZIMTA uku.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaSifiso Ndlovu
Munyori mukuru wePublic Service Association, VaEmmanuel Tichareva, vanoti vanotsigira danho reZIMTA iri vachiti mihoro inofanirwa kuenda ichikwira ichibva pasi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaEmmanuel Tichareva
Asi munyori mukuru werimwe sangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe, vanoti sangano ravo hariwirane nezviri kudiwa neZIMTA, sezvo zviri kunze kwechibvumirano chavakaita semasangano ose anomirira vashandi vehurumende.
VaMajongwe vanoti masangano ose akawirirana kuti vashandi vachataura nezwi rimwe chete, kwete kutanga kupatsanurana kwaratidzwa neZIMTA uku.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaRaymond Majongwe