Vashandi Vehurumende Vonyunyuta Nemazuva eKutambiriswa Mari Aziviswa neHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Vashandi vehurumende vachiratidzira

Vashandi vehurumende vari kutsutsumwa zvikuru nehurongwa hwaburitswa nehurumende hwekushandura mazuva ekutambira mari kwavo kubva mwedzi uno zvichienda mberi.

Izvi zvinotevera kuburitswa kwakaitwa nehurumende gwaro rinoratidza mazuva achatambiriswa mari vashandi ava kubva mumwedzi uno kusvika muna Zvita wegore rino.

Vazhinji vataura neStudio 7 vanoti danho iri rinoratidza kuti hurumende iri kuomerwa nezvinhu munyaya dzemari, uye hapana chinoratidza kuti mazuva matsva ayaburitsa aya ichakwanisa kuatevedzera nemazvo.

Vamwewo ndivo vari kunyunyuta kuti sei hurumende yaramba yongotanga kupa vari muchiuto mihoro pane kuti dai yavaita kuti vachinjane mazuva nevamwe vashandi.

Gwaro idzva iri rinoratidza kuti mauto ndiwo anenge achitanga kutambira, vozoteverwa nevari muboka rezvedzidzo kwotevera vamwe vashandi vehurumende vose, kwopedzisira vari pamudyandigere.

Muna Zvita vamwe vashandi vachazowana mari dzemihoro zororo reKisimusi ratopfura, izvo zvinonzi nevamwe chiratidzo chekuti hurumende haikoshese vashandi vayo.

Sachigaro weApex Council uye vari mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundani vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende iri rinokanganisa zvirongwa zvevashandi vayo mune zvakawanda, uye havana chokwadi chekuti richateverwa nemazvo,

Munyori mukuru weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe vanotiwo havatambire danho iri vachiti vanotyira kuti hurumende yatangira vamwe vashandirwi nzira yakashata yekubhadhara nayo vashandi vavo.

VaMajongwe vanoti kana vamwe vashandirwi vakazotadza kuchengetedza zuva rekubhadhara vashandi vavo, vanenge vozvidzivirira vachiti inga hurumende iri kutadzawo kupa vashandi vayo mari paine nguva.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaRaymond Majongwe


Mutauriri webato reNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasava vashorawo zvikuru danho ratorwa nehurumende yeZanu PF iri, vachiti kutyora kodzero dzevashandi.

VaChivasa vanoti magweta avo atove mushishi kugadzirisa magwaro ekuendesa kumatare edzimhosva kuti aone kana zvaitwa nehurumende izvi zviri pamutemo.

Vanoti kana matare akati hazvisi pamutemo vashandi vanenge vave nekodzero yekuendesa hurumende kumatare edzimhosva vachipikisa danho iri.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMadock Chivasa