Mukupera kwesvondo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakati vashandi vehurumende vaizowedzerwa mari dzavo muna Kubvumbi, vachiti naivowo vakanga vakatomirirawo mari iyi.
Nemusi weChipiri gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, avo vakavimbisawo zvakare kuti mari dzichauya muna Kubvumbi, vakazivisa kuti hapana mushandi wehurumende achazotambira mari iri pasi pe poverty datum line, iyo yakanzi nehurumende iri pamadhora mazana mashanu ane madhora mashanu.
Asi nhengo dzePTUZ idzi dzinoti huwori hunonzi huri kuitwa mumakambani ari pasi pehurumende ndezvimwe zvezvinhu zviri kutadzisa kuti vawedzerwe mari dzavo.
Imwe nhengo yesangano iri uye vari sachigaro wedunhu reHarare, VaCharles Mbwandarika, vanoti rimwe dambudziko ravepo nderekuti vatungamiri vemasangano evashandi vehurumende vari muApex Council, havasi kuratidza kuwirirana padanho rekutora panyaya iyi.
VaMbwandarikwa vanoti nhengo dzemasangano ese evashandi vehurumende vanobvumirana pakuti hurumende iri kuramba ichi hwanda nemunwe panyaya dzemihoro, uye vari kushushikana sezvo vari ivo vari kushupika nekunonoka kwemari uku.