Vatungamiri vevashandi vekanzuru yeChitungwiza vatanhatu vanoti vakapiwa matsamba ekumiswa basa nevakuru vemapazi avanoshandira vachipomerwa mhosva yekurovha basa.
Mumwe wevakapiwa matsamba aya, Reverend Ephraim Katsina, vanove mutauriri wevashandi veChitungwiza, vanoti vakapiwa matsamba aya svondo rapera neChishanu vachinzi vakafurirawo zvakare vamwe vashandi kuti vasaenda kumabasa.
Vamwe vashandi vakamiswa mabasa vanoti VaTomson Bhamusi, Amai Miriam Chitsa, VaPeter Kapamba pamwe naVaIsrael Bako.
Meya weChitungwiza, VaPhilip Mutoti, vaudza Studio7 kuti havasati vave neruzivo kuti kune vashandi vakambomiswa mabasa.
Hatina kukwanisa kubata munyori wekanzuru, VaGeorge Makunde, kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi.
Vashandi veChitungwiza vakaramwa mabasa mwedzi wapera vachida kuti vapiwe mari dzavo dzemihoro pamwe nemari dzekubatsirikana dzavakanga vave nemwedzi gumi nemina vasina kutambiriswa.
Vashandi ava vakazodzokera kumabasa mushure mekunge gurukota rezvemabasa, VaNicholas Goche, vapindira munyaya iyi vachida kunzwa zvikonzero zvaiita kuti vashandi varambe vari pakuramwa mabasa kana kuti show cause order.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naReverend Ephraim Katsina