Vagari Vopikisa Danho reKanzuru yeChitungwiza Mudare

  • Jonga Kandemiiri

Kanzuru yeChitungwiza yokumbira mvumo kumatare kuti iputse zvivakwa zviri kunze kwemutemo

Sangano revagari vekuChitungwiza, reChitungwiza Residents Trust, rinoti ratuma magweta aro kuti apikise danho rakatorwa nekanzuru yeguta iri rekukwira kudare repamusoro richida kuti ripiwe mvumo yekuputsa zvivakwa zvinonzi zvakavakwa zviri kunze kwemutemo munzvimbo dzisingabvumidzwi.

Mutauriri wesangano revagari iri, VaMarvellous Khumalo, vanoti kanzuru yakatora danho iri isina kutanga yagarawo pasi navo pamwe nevamwe vose vane chekuita nekanzuru.

Kanzuru yeChitungwiza neChitatu yakakwira kudare reHigh Court ichikumbira mvumo yekuti iputse zvivakwa zvinonzi zvinogona kusvika kuzviuru gumi nezvina zvinonzi zvakaiswa munzvimbo dzakaita semapani, pamusoro pepombi dzemvura nedzimwe dzisingabvumidzwi.

Kanzuru inonzi yakabvira kare ichida kuputsa zvivakwa zvakaiswa zvisiri pamutemo muguta iri pamwe nemaruwa ekwaSeke asi yakazomiswa nedare ramejasitireti muChitungwiza iro rakati kanzuru hayaigona kuita izvi isina mvumo yematare edzimhosva.

Studio 7 yaedza kubata munyori wekanzuru yeChitungwiza, VaGeorge Makunde, asi vadzima nharembozha yavo vachiramba kupindura mibvunzo.

Asi VaKhumalo vanoti vari kushushikanawo zvikuru nekusapindurwa kwetsamba yavo yenyunyuto negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo, yavaida kuti ivo VaChombo vajekese nyaya iyi hurumende isati yabvumidza kuparadzwa kwezvivakwa izvi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaChombo panyaya iyi.

Vagari vanoti kanzuru ngaitange yatsvagira vanhu kwekuenda isati yatanga kuputsa zvivakwa zvavo. Asi kanzuru inonzi haina mari yekuti ikwanise kuita izvi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMarvellous Khumalo