Vanhu Vokurudzirwa Kufumura veMachechi Vanoshungurudza Vanhukadzi

  • Jonga Kandemiiri

Mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kukurudzirwa kuti zviburitse pachena vakuru vemachechi vari kushungurudza vanhukadzi vachihwanda nechitendero.

Mumwe wevari kuita kurudziro iyi mukuru wemapurisa, VaAugustine Chihuri, avo vakakurudzira vari kushungurudzwa mumachechi avanopinda pamwe neveruzhinji kuti vamhan’arire vanhu vakadai kumapurisa.

Bepanhau reHerald rinoti VaChihuri vakataura mashoko aya neChipiri pakupfekedza nyembe kwavaiita kumapurisa akakwidziridzwa pabasa.

Mashoko aVaChihuri aya akauyawo mushure megwaro rakaburitswa svondo rino nesangano remagweta evanhukadzi, reZimbabwe Women Lawyers Association, rekunyunyuta nekunzwa kuti vamwe vakuru vedzisvondo vanonzi vane nhoroondo yekushungurudza madzimai nevanasikana mumakereke avo.

Mugwaro iri, sangano iri rinoti riri kutora mukana uyu kuyeuchidza chizvarwa cheZimbabwe choga-choga kuti bumbiro remitemo idzva rinopa kodzero yehunhu hwemunhu, pamwe nekodzero dzinosanganisira kusashungurudzwa kwerudzi rwupi zvarwo.

Mashoko aya anouya zvichitevera kuwanda kwenyaya dzemadzimai nevanasikana vanonzi vari kushungurudzwa mumachechi avanopinda nevatungamiri vavo.

Imwe nyaya iri mumatare yakadai ndeye mukuru wechechi yeRMG Independent End Time Message, VaMartin Gumbura, avo vari kupomerwa mhosva yekushungurudza madzimai manomwe.

Gurukota rinoona nezvemadzimai (shadow minister) muMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, Amai Lucia Matibenga, vanotiwo vanotambira nemufaro kurudziro yaitwa iyi, asi panodiwa dzidziso yakakwana yekuti vanhu vazive huipi hwekushungurudzwa kwevanhukadzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Lucia Matibenga