Zanu PF Yosangana neveMabhizimusi neChina

  • Jonga Kandemiiri

Zanu PF inoti ichatevera hwaro hwe manifesto hwayakashandisa pasarudzo

Bato reZanu PF rinonzi nemusi weChina riri kusangana muHarare nevemabhizimusi pamwe nevakuru vemakambani ari pasi pehurumende kuti vaonesane panyaya yekuti vangashanda pamwe sei nehurumende mukumutsiridza upfumi hwenyika.

Munyori anoona nezvekusimudzirwa kwemabhizimusi muZanuPF, uye vari gurukota rezvemabhizimusi madiki, Amai Sithembiso Nyoni, vakaudza bepanhau reHerald neChipiri manheru kuti mimwe misangano yakadai ichaitwa kuMasvingo neMutare.

Musangano uyu, uyo uri pasi pedingindira rinoti “Practical Approach to Issues” unonziwo uchapa mukana kune vemabhizimusi ava wekuti vasanganewo nemamwe makurukota mana anoshanda akanangana nezvemabhizimusi vachipindura mibvunzo yavanoda kuziva.

Mumwe wezvemabhimusi vari mukuru wekambani yeManagement Solutions, VaLuxon Zembe, vanoti vanotambira nemaoko maviri zvaitwa neZanu PF izvi, asi vane tarisiro yekuti zvinozobuda mumisangano iyi zvichateverwa.

VaZembe vanoti hurumende dzapfuura dzaingoita zvimwe chete asi pasina kuzotsinhirwa kwezvisungo.

VaZembe vanotiwo vari kufadzwa nehurongwa hwekuumbwa kwehomwe yeSovereign Wealth Fund, yemari ichaunganidzwa kubva munyika ichazobatsira mukusimudzirwa kweupfumi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLuxon Zembe