WASHINGTON DC —
Mvura yakawandisa yakanaya mumatunhu anoti Masvingo, Midlands neMatabeleland South mukupera kwesvondo inonzi yakazadza nzizi dzakawanda izvo zvinonzi zvakazoita kuti madhamhu maduku azarise mamwe achiparadzwa pamwe nezvirimwa, migwagwa, mabhiriji uye misha.
Matunhu anonzi akanyanya kukanganiswa nedambudziko iri anoti Gutu, Chivi pamwe neChiredzi muMasvingo, uko kunonzi vanhu vakawanda vangangoda rubatsiro rwakasiyanasiyana, kusanganisira kumbobviswa munzvimbo dzavanogara zvichitevera kuparadzwa kwemisha nezvirimwa zvavo.
Zvinonziwo bazi re Civil Protection Unit riri mumatunhu aya rchiona hudzamu hwedambudziko iri pamwe nekubatsira vakawirwa naro.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende padambudziko iri.
Mumiriri weMberengwa West muparamende, uye vari mukokeri wenhengo dzeZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, vanoti dunhu ravo rakakanganiswawo kwazvo nemvura yakawanda iyi, izvo zvasiya nzvimbo dzakawanda dzisisasvikiki.
VaGumbo vanoti havasati vakwanisa kuziva kuti vanhu vanoda rubatsiro vakawanda zvakadii sezvo kufambiswa kwemashoko kwave kunonoka nekuda kwematambudziko akakonzerwa nemafashamu aya.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJoram Gumbo