Varimi veDonje Voramba Mutengo Wavanoti uri Pasi Kwazvo

  • Jonga Kandemiiri

Varimi vanoti mutengo wemasendi makumi matanhatu nemashanu uri pasi zvikuru

Varimi vedonje vanonzi havasi kufara nemutengo wakatarwa nevanotenga donje wemasendi makumi matanhatu nemashanu pakirogiramu yoga-yoga kubva pamasendi makumi matatu aitengwa nawo chirimwa ichi gore rapera.

Izvi zvinonzi zvinogona kukanganisa hukama hwemapoka maviri aya sezvo vamwe varimi vachinzi vave kufunga kurambira kana kuparadza donje ravo pane kutengesa nemutengo uri pasi kudaro.

Varimi vanonzi vari kukurudzira masangano anotenga donje akaita seCotton Ginners Association nemamwe kuti dai akwidza mutengo wedonje kuti utangire padhora rimwe chete pakirogiramu zvichikwira.

Rimwe sangano revarimi reZimbabwe Farmers Union rinonzi riri kutsigira varimi richitiwo mutengo uri kupiwa nemasangano anotenga donje aya uri pasi zvikuru zvekuti varimi havana pundutso yavanowana kubva pauri.

Ukuwo, sangano reZimbabwe Commercial Farmers Union rinonziwo riri kuronga kuendesa hurumende kumatare richida kupikisa danho reCompetition and Tariff Commission rekurambidza masangano evarimi kukurukura nyaya dzemitengo achimirira varimi.

Hatina kukwanisa kubata veCotton Ginners Association kuti tinzwe divi ravo.

Asi vaive mumiriri weChiredzi West muparamende uye vairi nhengo yekomiti yezvekurima muparamende yapfuura, VaMoses Mare vanoti nemutengo wemasendi makumi matanhatu nemashanu uri kupiwa nevanotenga donje uyu, havaoni varimi vachikwanisa kudzora mari dzavakashandisa mukurima pamwe nekuchengetedza donje ravo.

VaMare vanoti hurumende inofanirwa kupindira kuitira kudzivirira varimi kubva kuvanhu nemakambani anoda kudya zvevapfupi nekureba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaMoses Mare