Kalisto Pasuwa Anogeza Maoko Ake saMambo Pirato

  • Michael Kariati

Zimbabwe Young Warriors

Muraidzi wechikwata chenyika chevakuru nechevadiki, KalistoPasuwa, aregedza basa.

Pasuwa akaregedza basa nezuro apo chikwata chemaYoung Warriors chakadzoka kubva kuSouth Africa uko vakanorohwa 3-0.

Pasuwa akazivisa veZimbabwe Football Association kuti haangarambe achishanda pasina mubhadharo wemari yemuhoro, iyo asina kubhadharwa kwemwedzi gumi iyo anga ari pabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Michael Kariati

Maneja waPasuwa, VaGibson Mahachi, vanoti Pasuwa akaregedza basa uye ave kutarisa mamwe mabasa ari kuuya pamberi pavo.

Runyerekupe rwuri kufamba muHarare nderwekuti Pasuwa angangodzokera kuDynamos mushure mekudzingwa basa kwa David Mandigora semurairidzi wechikwata ichi.

Aimbove kit manager wemaWarriors, VaJoshua Khumalo, avo vasina zvekare kubhadharwa panguva iyo vaive pabasa, vanoti Pasuwa atora danho rakanaka pane kuti ashandire mahara.

VaKhumalo vanoti vari kushamisika kuti veZifa havasi kubhadhara vashandi vavo ivo vachiwana mari inobva kuFifa yerutsigiro.

Muteveri wenhabvu, VaProsper Muzanharwo, vanoti kurohwa kwakaitwa maYoung Warriors kuSouth Africa hakuneyi nematambiro avo asi kuti vaive nenzara nemhaka yekunyimwa mari neveZifa ivava.

Mushamarari wezvemitambo, Howard Musonza, anoti veZifa vakundikana zvekuti vanofanira kubviswa pabasa kana vachitadza kubhadhara vanovashandira.

MaYoung Warriors achaenda kumaAfrica Games kuCongo Brazaville muna Gunyana aine murairidzi mutsva, Nation Dube, uyo aive mutevedzeri waPasuwa.

MaWarriors zvekare achange aine murairdzi mutsva apo ari kutamba neGuinea mumakundano e2017 Africa Cup of Nations mukutanga kwaGunyana.