WASHINGTON DC —
Dare reparamende riri kutarisirwa kugara neChipiri kuti rikurukure nezvebhiri remitemo ine chekuita nesarudzo, rine mimwe yatove mitemo zvichitevera danho rakatorwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachishandisa masimba avo.
Zvichitevera chisungo chemusangano weSADC neMugovera kuMaputo, Mozambique, chekuti Zimbabwe igadzirise zvinetswa zvayo isati yapinda musarudzo, nyaya yebhiri remitemo ine chekuita nesarudzo yakavewo panyaya dzinonzi dzinofanirwa kutanga dzagadziriswa.
Dare reparamende, iro riri kupera kushanda musi wa 29 Chikumi, rinotarisirwawo kubatabata nyaya dzemitemo yakaita se Public Order and Security Act, Access to Information and Protection of Privacy Act, pamwe neBroadcasting Act nemimwe, mukati memazuva gumi nerimwe arasarirwa nawo.
SADC yakatiwo hurumende, kuburikidza negurukota rezvemitemo, idzokere kudare repamosorosoro ichikumbira kuwedzerwa nguva yekuita sarudzo kubva pamusi wa 31 Chikunguru, akanga atarwa nedare iri svondo rapera.
SADC yakakurudzirawo mapato ezvematongerwo enyika kuti aone kuti atora nzira dzinobvumidza kuitwa kwesarudzo dzakachena.
Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti pane zvinhu zviviri zvinofanirwa kutanga zvaitwa negurukota rezvemitemo pasati pakurukurwa nezvebhiri remitemo ine chekuita nesarudzo.
“Kuti tigadzirise nyaya yesarudzo, zvinoreva kuti zuva resarudzo rakatarwa nemutungamiri wenyika rinofanirwa kusendekwa parutivi kuitira kuti tisapesana neSection 167 subsection 5 yebumbiro remitemo.
"Chechipiri ndechekuti gurukota rezvemitemo rakataurirawo here dare reparamende kuti ndichauyawo nemutemo wesarudzo kuti ukurukurwe,” vadaro VaMatinenga.

Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaEric Matinenga