Pamire America paHurongwa Hwekucheka Hukama neWHO

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump

America yagara kwenguva yakareba ichibhadhara mari yakawandisa yekubatsira vanhu pasi rose. Mari iyi inobva kumitero inobhadharwa nezvizvarwa zveAmerica paine tarisiro yakakura yekuti inoshandiswa nemazvo.

Asi izvi handizvo zvakaitwa nesangano reWorld Health Organization kana kuti WHO iro rakakundikana kuita basa nemazvo mukudzivirira kupararira kwechirwere checoronavirus nezvimwe zvirwere sezvarino tarisirwa kunge richiita.

Mutauriri webazi rehurumende reAmerica reState Department VaMorgan Ortagus vanoti WHO yakaramba kuvandudza mashandiro ayo kusanganisira kuratidza kuti haiudzwe zvekuita nehurumende yeChina.Nekudaro musi wa 6 Chikunguru gore rinouya, America inenge yabuda mugungano iri.

Asi America inoti hayo ichiri yakazvipira kubatsira munyaya dzezvehutano pasi rose.America kubva ikozvino iri kutsvaga nzira dzekubatsira dzimwe nyika dzinenge dzawirwa nematambudziko munyaya dzezvehutano kuburikidza nemapazi ayo ehurumende nemasangano akazvimirira oga.

Kubva muna 2001, hurumende yeAmerica yabatsira nemari inosvika mabhiriyoni zana nemakumi mana nemaviri kana kuti 142 billion kudzivirira kupararira kwechirwere cheHIV/AIDS, malaria, rurindi, Ebola nezvimwe zvirwere.

Mukuru mubazi rehurumende yeAmerica reState Dr. Alma Golden vanoti, Pagore America inobatsira nemari inosvika mabhiriyoni gumi pasi rose, gore rino inenge yakapetwa kaviri apo nyika dzakawanda dzinenge dzichirwisa denda reCovid-19.

VaGolden vanoti chido cheAmerica ndechekuti kunyangwe inenge isisashande neWHO, rubatsiro rwayo rwuchaenderera mberi pasi rose.

Your browser doesn’t support HTML5

Maonero eAmerica paKucheka Hukama neWHO