Muchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, vanoti hurumende haisati yakumbira America zviri pamutemo kuti iise chizvarwa chayo, VaWalter Palmer, mumaoko eZimbabwe.
VaPalmer vari kudiwa muZimbabwe sezvo vari kupomerwa mhosva yekuuraya shumba yaive nemukurumbira inonzi Cecil.
Asi VaPalmer, avo vasiri kuzivikanwa kuti varipi, vanoti Havana kupfura Cecil vachiziva kuti yaive mhuka yakachengetedzwa. Vanoti vakavhima mhuka iyi vachitungamirwa nenyanzvi mukuvhima muZimbabwe.
Zvichitevera kuurayiwa kweshumba iyi muna Chikunguru, vanhu vakawanda, zvikuru vekunyika dzekumavirira vakanyora magwaro enyunyuto kumutungamiri weAmerica, VaBarack Obama, vachivakurudzira kuti vaise VaPalmer mumaoko eZimbabwe kuitira kuti vatongwe nemhosva yavari kupomerwa.
Asi VaTomana vanoti kusvitsa chikumbiro chekuti VaPalmer vaunze ku Zimbabwe hazvisi nyore.
Zimbabwe ine chibvumirano neAmerica chekupana vasungwa vanenge vachidiwa nenyika mbiri idzi.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJohannes Tomana