Old Mutual, PPC neSeedco Vorambidzwa Kutengesa Pamusika weKunze

  • Blessing Zulu

Old Mutual

Hurumende yaburitsa mugwaro rayo reGovernment Gazette kuti mamwe makambani matatu anoti Old Mutual, PPC Limited neSeedco International yamboamisa kutengesa pamusika wekunze kwegore rose pachiongororwa kuti aifambisa mari dzawo sei.

Nhepfenyuro yeZBC nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti makambani aya ndiwo aipawo kuti dhora remunyika rishaye simba kunyanya Old Mutual yaibiritsawo huremu hwedhora remunyika richienzaniswa neremunyika.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kana vatauriri vemakambani matatu aya.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano vanoti zviri kuitwa izvi hazvina zvazvinobatsira.

Vati nyaya iri kupa kuti dhora remunyika rishaye simba inyaya yekuti mitemo yezvehupfumi haina kujeka. Vati vamwe vanonzi vatengese nemari yekunze asi vamwe vachishandisa dhora remunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano