Dutumupengo Rouraya Vazhinji muOklahoma, America

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Tornado Oklahoma

Mutungamiri weAmerica, Va Barack Obama, vatara tsaona yedutumupengo yakaitika ku Oklahoma neMuvhuro, sedambudziko hombe rinofanirwa kuwana rubatsiro nechimbichimbi.

Izvi zvinotevera kuparadzwa kwemisha pamwe nekufa kwevanhu makumi maviri nevana mudutumupengo rakaitika neMuvhuro mumusha we Moore muguta re Oklahoma. Mumwe musha we Newcastle wakawirwawo nedambudziko iri.

VaObama vaudza vashandi ve Federal Emergency Management Agency kuti vabatsire vari kuda rubatsiro nechimbi chimbi.

Vatiwo nyika yavo iri kutarisa nzira dzekubatsira vanoda kubatsirwa zvichitevera tsaona yedutumupengo iri.

Gavhuna ve Oklahoma, Amai Mary Fallin, vanonzi vatotumira mauto nemapurisa kuti kunzvimbo iyi kunobatsira vanhu vari kuda rubatsiro.

Dutumupengo iri rinonzi rakanga rakasimba zvikuru uye richifamba makuromita anodarika mazana matatu paawa imwe chete rikaparadza chikoro chevana. Vanhu vanosvika mazana maviri nemakumi mana vanonzi vakakuvara muchiitiko ichi, vazhinji vavo vari vana vadiki.

Dunhu iri rinonzi rakarohwa zvakare nedutumupengo rakasiya vanhu vafa muna 1999.

Chimwe chizvara cheZimbabwe chiri muguta re Edmond muOklahoma, Muzvare Majorie Sagonda, avo vanoshanda pachipatara che University of Oklahoma Health Science Center, vanoti vamwe vakakuvara mumusha we Moore vari kurapirwa pachipatara chavanoshandira kuti vawane rubatsiro.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Majorie Sagonda