Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiri webato iri, Va Joseph Busha, avo vanobva kwa Mutoko uye vaine mabhizimusi ku South Africa, vanoti bato ravo riri kurwira kuti munyika muve nekugovanwa kwakaenzana kwehupfumi, dzidzo yakasimba uye kuwanikwa kwemabasa.
VaBusha vashora vakuru-vakuru vari mu Zanu PF nekutora kwavakaita mapurazi akawanda vakagovana pachavo asi veruzhinji munyika vasina kana dhunduru rimwe chete zvaro.
Vaenderera mberi vachikurudzira mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kuti vatore matanho nemakurukota ehurumende avati aita zvisina tsarukano nenguva dikidiki vachiti makurukota aya anofanira kuferefetwa.
Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mutungamiri wesangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, Va Pedzisai Ruhanya, vati havawoni Va Busha vachipatsanurisa mavhoti sezvo vari munhu asingazivikanwe munyaya dzezvematongerwo enyika.
Kuparurwa kwebato re Free Zim Congress kunouya apo vamwe vakaita semutungamiri we Mavambo Kusile Dawn, Va Simba Makoni, vari kukurudzira kuti mapato ezvematongerwo enyika anopokisa Zanu PF apinde musarudzo dzakatarisirwa kuitwa gore rino akabatana.
Vane ruzivo nezviri kuitika mumapoka maviri e MDC ari muhurumende yemubatanidzwa vanoti pane nhaurirano dziri kuitwa muchivande dzekuti mapoka aya abatane pamberi pesarudzo idzi.
Asi hatina kukwanisa kunzwa divi remapato aya panyaya iyi.