Rimwe remasangano anomirira vanotengesera mumigwagwa rinoti hurumende inofanira kuburitsa hutungamiri hwesangano ravo muhusungwa nekukasika.
National Vendors Union of Zimbabwe, Navuz, iri kukurudzirawo kuti kanzuru yeHarare inyorese vanotengesera mumigwagwa isingapinze zvematongerwo enyika mukati.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau neChitatu, mutevedzeri wasachigaro webhodhi reNavuz, Va Douglas Shumbayawonda, vashora kusungwa kwakaitwa hutungamiri hwe Navuz pamwe nevamwe vanotengesera mumigwagwa neChipiri zvichitevera kuratidzira kwakaita vanotengesera mumigwagwa ava mushure mekutorerwa zvavaitengesa nemapurisa ekanzuru.
Va Shumbayaonda vakurudzirawo kuti kanzuru imire nyaya dzekushandisa chisimba kune vanotengesera mumigwagwa.
Vakurudzirawo kuti kanzuru isapinze nyaya dzematongerwo enyika panyaya yekunyoresa kwairi kuita vanotengesera mumigwagwa vachiti chirongwa chayo chekudzinga vanhu mumigwagwa mavanoshandira chinofanira kumbomiswa kuitira kuti mapoka ese ane chekuita nenyaya yekutengesa ambotaurirana.
Mumwe wevanongesera mumigwagwa ava, Amai Primrose Runyowa, vanoti vashandi vekanzuru vazhinji ndivo vakazvinyoresa ruzhinji rwevanotengesa mumigwagwa rwukasara rwusina kunyoresa.
Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wekanzuru, Va Michael Chideme, kuti tinzwe divi rekanzuru panyaya iyi asi vakambotaura kuti zvose zviri kuitwa nekanzuru yavo zviri kuitwa zviri pachena.
Zvichakadai, kanzuru yaenderera mberi nekutorera vanhu vanotengesera mumigwagwa zvinhu nhasi ichiti vanhu ava vanofanira kunotengesera kunzvimbo dzakatarwa idzo dzinonzi nevanotengesera mumugwagwa ava hadzina kugadzirwa zvakanaka uye hadzikwanire vanhu vese vanotengesa mumigwagwa.
Sachigaro wesangano rinomirira vagari re Combined Harare Residents Association kana kuti CHRA, Va Simbarashe Moyo, vati mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, ndivo vanofanira kubuda mu Harare sezvo vatadza kutonga nyika kwete kuti vanotengesa mumigwagwa vabude munzvimbo dzavari kutsvaga kurarama vari.
Kanzuru inoti vanotengesera mumigwagwa ava vari kusvibisa dhorobha uye vari kutyora mitemo yeguta re Harare pamwe nekutadzisa vanhu kufamba vakasununguka sezvo vanhu ava vanga vachingotengesera pese pese. Kanzuru inotiwo vane zvitoro zviri pamurawu vanga vave kuramba zvakare kubhadhara mitero kukanzuru sezvo vaitengesera mumigwagwa vanga vave ivo vave kuita mari ivo vachiswera vakagarira guyo sembwa.