VaKasukuwere Vanoudza Dunhu reManicaland Kuti VaMutasa Havadzingwe muZanu PF

  • Loirdham Moyo

VaSavior Kasukuwere

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaSaviour Kasukuwere, varamba chikumbiro chebato ravo muManicaland chekuti nhengo dzeparamende dzinonzi dzinotsigira VaDidymus Mutasa, dzidzingwe mubato. Izvi zvinotevera musangano waitwa kwaMutare neMuvhuro.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Loirdham Moyo

VaKasukuwere vaudza Studio7 mushure memusangano uyu kuti hapana nhengo yeZanu PF ichadzingwa mubato sezvo Zanu PF yakabuda nechisungo chekuti haichadzinga vanhu zvichitevera kupera kwakaita kongiresi muna Zvita.

VaKasukuwere vati vakadzingwa mubato ndiVaJabulani Sibanda, avo vaive mutungamiri wevaimbove varwiri verusununguko, pamwe nevaimbove mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo.

VaKasukuwere vanoti Zanu PF haina humwe hurongwa hwekudzinga nhengo dzakabviswa nyembe mumazuva apera kwete.

VaKasukuwere vanoti zviri kuitwa kunhengo dzisati dzadzingwa mubato iri kurangwa chete nezvavanopomerwa kuti vakaita, asi havasi kuzodzingwa mubato iri sezviri kutaurwa nevamwe vemuZanu PF.

Mashoko aVaKasukuwere anotevera mashoko evakasanobata chigaro chasachigaro weZanu PF mudunhu reManicaland, VaSamuel Undenge, avo vaudza musangano uyu kuti dunhu reManicaland rainge rabuda nechisungo chekuti vose vaitsigira vaimbove mutevedzeri wemutungamiriri wenyika. Amai Joice Mujuru, uye vaiva munyori wezvemabasa, VaDiydymus Mutasa, vadzingwe mubato reZanu PF.

VaUndenge vaudza VaKasukuwere kuti dunhu reManicaland rinoda kuti nhenge dzeZanu PF dzakaita saVaMunacho Mutezo, mumiriri weChimanimani West mudare reparamende vadzingwe mubato uye vasamirire Zanu PF muparamende.

VaUndenge vanga vaudzazve VaKasukuwere kuti dunhu reManicaland rinoda kuti VaMutasa vadzingwe zvachose mubato reZanu PF nekupamusana pemashonga avainge vanyora vachitsoropodza kongiresi yechitanhatu yeZanu PF yakaitwa muna Zvita.

Asi kurudziro iyi yarambwa kutambirwa naVaKasukuwere vachiti bato haringaputsi chisungo charakaita.

Zvichitevera kusataura neinzwi rimwe chete mudunhu reManicaland maererano nezviri kuda kuitwa kunhengo dziri kupomerwa mhosva yekuti dziri kuchikwata chinozivikanwa nekuti Gamatox, Amai Oppah Muchinguri Kashiri, imwe nhengo yeCentral Committee, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti zvakataurwa naVaUndenge ndiwo maonero edunhu ravo.

Imwe nhengo yeCentral Committee, VaSupa Mandiwanzira, varamba kutaura pamusoro penyaya iyi vachiti titaure nemutevedzeri wemutauriri webato, VaOliver Mandipaka, avo tisina kukwanisa kutaura navo.

Dzimwe nhengo dzeZanu PF dzange dziri pamusangano uyu dzinosanganisira VaPatrick Chinamasa, VaKudzi Chipanga, VaChris Mushowe nevamwe.