MUTARE —
Mutungamiriri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vanoti vari kurwadzikana zvikuru nekukundwa kwakaitwa bato ravo kuManicaland muna 2008, vakapika kuti rwendo rwuno bato ravo rinofanirwa kukunda MDC-T zvine mutsindo.
VaMugabe vasvika panhhandare yendege maMutare ndokubva vaitira musangano wavo ipapo. VaMugabe vange vachibva kwaMarange uko vavhura zviri pamutemo chikoro cheJohanne Marange High School.
Vachitaura kuvatsigiri vavo, VaMugabe vakumbirisa zvikuru vatsigiri vavo kuti vadzorere zvigaro zveparamende zviri mumaoko eMDC-T. Vanoti vane hurombo kuti zvigaro izvi zvakaenda kuMDC-T nekuda kwezvimwe zvinhu zvakakanganisika izvo vasina kudoma.
Vatiwo nhengo dzeZanu PF dzinofanirwa kuvavhotera zvine mutsindo kuitira kukoshesha zvido zvemagamba akafira nyika akaita saVa Herbert Chitepo, nevamwe vaibva kuManicaland.
VaMugabe vashora mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo vati vakatiza kuenda kuhondo ndokuvafananidza neimbwa yasekuru wavo iyo vati yaitya kunovhima nedzimwe imbwa asi ichida kudya samare.
VaMugabe vakurudzira vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vadzoke kumusha vabatsirane nevamwe mukuumba hupfumi hwenyika uye kuti vakwanise kuwana pundutso muhurongwa hwebato iri hwekugovera hupfumi kuvatema, zvikuru vechidiki nemadzimai.
VaMugabe vanotiwo mutungamiri weAmerica, VaBarrack Obama, vaida kunyengetedza nyika dzemu Africa nekuvavimbisa mari kana vakabvuma kupa kodzero kungochani asi ivo vakaramba.
VaMugabe vanoti makambani akavharwa nekuda kwekuti gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakaramba kubudisa mari iyi.
Musangano weZanu PF uyu waitirwa panhandare yendege zvichisiyana nemamwe makore apo VaMugabe vanosiitira misangano yavo munhandare yeSakubva.
VaMugabe vange vaine mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, uye dzimwe nehengo dzepamusoro mubato iri dzinosanganisira munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa, VaDidymus Mutasa, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, gavhuna weManicaland, VaChris Mushowe, vakafanobata chigaro chasachigaro webato muManicaland, VaJohn Mvundura, nevamwewo.

Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Loirdham Moyo