Vatungamiri vemu Africa vari kuungana mu America pasina ari kumirira Zimbabwe zvichitevera kusakokwa kwemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nemutungamiri we America, Va Barck Obama.
Veruzhinji vanoti danho rakatorwa naVa Obama rakanaka kwazvo ukuwo hurumende ichiti yakazvipira kudyidzana nehurumende ye America.
Mumwe wevanhu ava ndiAmai Mavis Warara avo vanoti VaMugabe munhu ari kutyora kodzero dzevanhu munyika nokudaro hazvikodzere kuti vasangane nevatungamiri vedzimwe nyika vasiri kutyora kodzero dzezvizvarwa zvenyika dzavo.
Izvi zvatsinhirwa naMuzvare Yvonne Musarurwa avo vachiri pakati pekutongwa vachipomerwa mhosva yekuponda mupurisa mumusha weGlen View.
Muzvare Musarurwa vakurudzira dzimwe nyika kuti dzitore matanho akasimba panyaya yekutyorwa kwekodzero mu Zimbabwe sezvaitwa naVaObama vasina kukoka Va Mugabe kumusangano we US-Africa Summit uyo watanga neMuvhuro muWashington DC mu America.
Munyori anowona nezvekudzivirirwa pamwe nekuchengetedzeka muboka revechidiki re MDC-T, Va James Chidhakwa, vati vechidiki ndivo varasikirwa zvikuru nekusakokwa kwemutungamiri wenyika kumusangano uyu.
Izvi zvatsinhirwawo naVa Titus Gobvu vanogara ku Chitungwiza.
Vaimbova mumiriri weMbare muparamende, Va Piniel Denga, vanoti hutungamiriri hunofanira kudzidza zvakawanda pane zvaitwa nehurumende ye America.
Asi mutevedzeri wegurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, Va Chris Mutsvangwa, vanoti ikodzero ye America kuita zvainoda munyika mayo.
Kunyange hazvo America ichipomera Va Mugabe mhosva yekutyora kodzero dzevanhu, Va Mutsvangwa vanoti hurumende iri kushanda zvakawomarara kuti itange kudyidzana ne America zvichitevera sarudzo dzegore rapera dzavanoti dzakafambiswa mune zvakanaka. Vati Zimbabwe inyika iri kuoneswa chistvuku pamusana pekutorera kwayakaita varungu minda.
Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti hapana chinorasikirwa neZimbabwe nekusaenda kwaVaMugabe kuWashington, sezvo vatungamiri vemu Africa vari kuenda kunonwa svutugadzike naVaObama.
Musangano we US-Africa Summit uri kutarisa nzira dzingashandiswa kusimbaradza zvido zvevechidiki mu Africa pamwe nekusimbaradza hukama nekudyidzana munyaya dzezvehupfumi pakati penyika dziri mu Africa ne America.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi