VaMugabe Votyora Bumbiro reZanu PF neKusadoma Hutungamiri paKongiresi?

  • Jonga Kandemiiri

Zimbabwean President Robert Mugabe addresses his supporters at the party's conference in Mutare, east of Harare, 17 Dec 2010

Mamwe magweta anoti kutadza kudoma vatevedzeri vavo pamwe nenhengo dzedare repamusoro rebato ravo re politburo pakongiresi yeZanu PF kwakaitwa nemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, kunoratidza kuti VaMugabe havachakwanisa kutungamira bato iri nemitemo yaro pamwe nenyika.

Nyanzvi munyaya dzemutemo vari mudzidzisi wemutemo paUniversty of Zimbabwe, uye vari mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Professor Lovemore Madhuku, vanoti zvakaitwa naVaMugabe zvinoratidza kuti vakwegura uye havachakwanisa kutungamira bato ravo kana nyika nemazvo.

Vachipeta kongiresi yavo, VaMugabe vakati vanoda nguva yekuongoorora mazita evanhu vapinda muCentral Committee umo vanofanira kudoma vatevedzeri vavo vaviri, sachigaro webato, pamwe nevanyori vemapazi akawanda mu politiburo yebato ravo.

Asi VaMadhuku vanoti Mugabe vaiziva kuti musangano wekongiresi uchaitwa uye vangadai vakagara vadoma hutungamiri hwebato sezvo ivo nevamwe vavo vange vagara vaine hurongwa hwekudzinga mutevedzeri wemutungamiri webato, Amai Joice Mujuru, mubato.

VaMugabe nemudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, ndivo chete nhengo dze politiburo dziripo pari zvino. VaMadhuku vanoti izvi zvinoratidza kuti VaMugabe vave kuita Zanu PF bato ravo nemhuri yavo.

Panyaya remangwana raAmai Mujuru muhurumende, VaMadhuku vanoti VaMugabe vane masimba ekuvadzinga muhurumende. Asi VaMadhuku vanoti zvinenge zviine chiremera kuti Amai Mujuru vasiye vega basa pane kudzingwa.

Rimwe gweta rinoshanda neZimbabwe Laywers for Human Rights, VaJeremiah Bhamu, vanotiwo zvakaitwa naVaMugabe hazvina kunaka sezvo nhengo dzebato ravo dzange dzakatarisira kuti musangano wekongiresi uchasarudza vatungamiriri vatsva vebato.

Asi vakasanobata chinzvimbo chasachigaro weZanu PF muHarare, zvakare vari gweta, VaGoodwills Masimirembwa, vanotiwo hapana chakatadzwa naVaMugaba sezvo vakataura kuti vachadoma vatevedzeri vavo svondo rino.

VaMasimirembwa vatsigirwa naVaSupa Mandiwanzira vanove mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko avo vanoti bumbiro rebato rinopa VaMugabe simba rekuita zvavanoda pakusarudza vatevedzeri vavo nenhengo dzepolitburo.

Ishe Musarurwa vekuMashonaland East vanotiwo kupesana kuri kuitika muZanu PF hakuna kunaka uye mutungamiri wenyika anoda nguva yekuti adome vanhu vakarurama vekushanda navo.

VaMugabe vakaudza nhengo dzebato ravo pakongiresi kuti vanoda nguva yekuzeya vasati vadoma vatevedzeri vavo uye vakati vachadoma vanhu ava svondo rino risati rapera.

Politburo itsva yeZanu PF ine nhengo makumi matatu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLovemore Madhuku