VaChivasa Vanoti VaMugabe Ndivo Vari Kuomesera Vashandi

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapindawo mugakava rakasimudzwa nemutongo wedare reSupreme Court, wekuti makambani anogona kumisa vashandi mabasa mushure mekuvapa zviziviso zvemwedzi mitatu.

Vachitaura kumusangano wevemabhizimusi madiki wakaitirwa muHarare neChitatu, VaMugabe vakati mutemo uyu unodzvinyirira vashandi, uye hurumende yavo iri kushanda kuti ikasike kuushandura kuitira kumisa kurasikirwa kwemabasa kuri kuita vashandi vakawanda.

Asi vamwe vanoongongorora zvematongerwo enyika vanoti VaMugabe havafanirwi kuratidza kushamisika nemutemo uyu sezvo wagara uripo pasi pehurumende yavo.

Makambani akawanda anonzi ari kushandisa mutongo wedare repamusorosoro iri kumisa vashandi, vazhinji vacho vachienda vasina cheuviri.

Vamwe ndivo vave kuti iyo hurumende inenge ine pfungwawo yekutora mukana wekudimura vashandi vayo ichishandisawo mutongo iwoyu, sezvo mari yayo zhinji iri kuperera mumari dzemihoro.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vaudza paramende neChina kuti dare remakurukota rakatobvumirana kuti mari inoshandiswa nehurumende pari zvino pagore, idzikiswe nezvikamu zvinosvika makumi mashanu kubva muzana.

Nhengo yeZanu PF, VaGoodson Nguni, vanoti bato ravo richagara pasi nevemakambani aya kuitira kuti vanhu vasarasikirwe nemabasa, uye vakadzingwa vachidzoserwa pamabasa avo.

Asi mutauriri weNational Constitutional Assembly, VaMadock Chivasa, vanoti vanhu veZanu PF vanongotaura sezvavagara vachiita kwemakore makumi matatu nemashanu pasina chakanakira nyika chinobuda.

VaChivasa vanotiwo VaMugabe, kuburikidza nekutadza kutonga kwavo, ndivo vari kuita kuti vashandi vadzingwe mumabasa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaGoodson Nguni Pamwe naVaMadock Chivasa