Vanhu vakawanda vanoti gore rino ranga rakaoma zvikuru uye havatarisire kuti pane zvakawanda zvichashanduka gore rinouya.
Vachitaura pamusangano wakarongwa nesangano rakazvimiririra reMass Public Opinion Institute (MPOI) neChina, vakafanobata chigaro chemutauriri wePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vakati veruzhinji vanga vorarama neminana nekuda kwekuoma kwehupenyu munyika.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
VaMafume vakati izvi zviri kukonzerwa nekukundikana kwehurumende yeZanu PF kuwanisa vanhu mabasa, izvo yakavimbisa muna 2013.
Mumwe mutauri pamusangano uyu, uye vachiongorora zvematongerwo enyika, VaTakura Zhangazha, vakatiwo mapato ezvematongerwo enyika haasi kuisa zvido zvevechidiki pamusoro, izvo zviri kupa kuti vechidiki vaomerwe nehupenyu.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vakatiwo gore rino ranga rakaomera veruzhinji uye hapana hurongwa hwekugadzirisa hupfumi hwenyika huri kuitwa neZanu PF.
Asi VaMafume vakati pane zvakanakawo zvakaitwa munyika gore rino zvinosanganisira kuraswa kwemutemo uyo waipa vachuchusi simba rekusunga musungwa anenge apiwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti atongwe achibva kumba.
Musangano uyu wakapindwa nevanhu vanodarika makumi masere avo vaitarisa zvinhu zvakanaka nezvakaipa zvakaitika munyika uye kuti gore rinouya rinenge rakamira sei.