Vakadzingwa sasachigaro weZanu PF kudunhu reMashonaland West, Va Temba Mliswa, vashora kunyarara kuri kuita vakadzingwa semutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, nezviri kuitwa kuvanhu vaivatsigira pavaifurufushwa mu Zanu PF.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi
Vachitaura nevatori venhau mu Harare nhasi, Va Mliswa vasvora Amai Mujuru nekuramba vakanyarara vatsigiri vavo vachifurufushwa mu Zanu PF vachiti Amai Mujuru vaifanira kushandisa rutsigiro rwavaiva narwo mu Zanu PF kuti vatore matomhu kubva kumutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe.
Hatina kukwanisa kutaura na Amai Mujuru sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa. Asi vari kutaura vakamirira vari kutsigira Amai Mujuru, Va Rugare Gumbo, avo vakadzingwawo zvakare mu Zanu PF, vati Amai Mujuru vakaedza pose pavanogona napo asi pane vasina kuteerera muZanu PF kunyange hazvo vachiti Va Mliswa vane kodzero dzekuva nemuonero wavo.
Va Mliswa vatiwo gurukota rinowona nezvemvura, Va Saviour Kasukuwere, gurukota rinowona nezvekubuditswa kwemashoko, Va Jonathan Moyo, pamwe negurukota rinowona nezvematunhu, Va Ignatious Chombo, vanhu vari kugadzirira kuda kutora matomhu kubva kuna Va Mugabe kana vachinge vazobva pachigaro.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna Va Kasukuwuere, Va Moyo pamwe naVaChombo kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi Va Moyo vakaudza BBC mazuva mashoma adarika kuti hazvisi pachena kuti mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmersonMnangagwa, ndivo vachatora matomhu kubva kunaVa Mugabe sezvo vachifanira kuvhoterwa neruzhinji rweZimbabwe vachiti Mnangagwa naVa Phelekezela Mphoko vanhu vakaita zvekudomwa naVa Mugabe kuti vavabatsire basa.
Zvichakadai, Va Mliswa vati ku Hurungwe West kwaberekera ingwe sezvo vachiti kwave nemasoja ari kushungurudza vanhu pamberi pesarudzo dze by-election dzichaitwa musi wa 10 Chikumi mudunhu iri.
Vatiwo vari mubishi rekuda kukwidza kumatare nyaya yekushungurudzwa kuri kuitwa vanhu ne Zanu PF ku Hurungwe West vachiti Zanu PF inofanira kurambidzwa kukwikwidza musarudzo idzi nepamusana penyaya yemhirizhonga.
Zvichakadai, Va Mliswa varumbidza masangano anoshanda akazvimirira akaita se Zimbabwe Peace Project, Election Resource Centre, Zimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe ayo ari kushanda muHurungwe West achikurudzira runyararo pamwe nekuti sarudzo dzifambiswe mune zvakanaka.