MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti mapazi ehurumende mazhinji haasi kubhadhara mari dzaanofanira kubhadhara kumakanzuru mazhinji munyika zviri kuita kuti makanzuru aya atadze kunyatsoshanda zvakanaka.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo pa Harvest House, munyori anowona nezvematunhu mu MDC-T, Va Blessing Chebundo, vati makanzuru mazhinji ari kurasikirwa nemamiriyoni emadhora anoraudzira zvichitevera kusabhadhara kuri kuita mapazi ehurumende mazhinji mari dzanofanira kubhadhara kukanzuru.
Va Chebundo vatiwo izvi zvave kukonzera kuti makanzuru mazhinji munyika atadze kuwanisa vagari kugara kwakanaka.
Va Chebundo vaburitsa mashoko aya zvichitevera musangano waitwa nemutungamiri webato ravo, VaTsvangirai, nemakanzura ese emunyika akasarudzwa akamirira MDC-T.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Thomas Chiripasi