Musangano wehutungamiri hwe MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai muManicaland watadza kuenderera mberi zvichitevera makakatanwa aiitika pakati pevakuru vebato iri nemapurisa anga achida kupinda mumusangano uyu zvechisimba.
Your browser doesn’t support HTML5
Nyaya Ina Loirdham Moyo
Asi VaTsvangirai vatsika madziro vachiti hapana mupurisa kana veruzhinji vanopinda mumusangano uyu.
Mapurisa mana apinda zvechisimba mumusangano waitirwa muQueens Hall masikati, asi VaTsvangirai vavaburitsa vachivaudza kuti mapurisa haana mvumo yekupinda mumusangano uyu.
Matikitivha aya abva adzokera kukamba ndokuzodzoka ava nenyaya yekuti musangano uyu umiswe izvo zvatsamwisa nhengo dzeMDC.
Sachigaro weMDC-T mudunhu reManicaland, VaDavid Chimhini, vati mapurisa avatadzisa kupedzisa musangano wavo sezvo anga achida kunge ari mumusangano wavo.
VaChimhini vati mapurisa aya aramba akatsika madziro vachiti vanofanirwa kupinda mumusangano uyu kuitira kuti vanzwe zviri kutaurwa naVaTsvangirai.
VaChimhini vatiwo mapurisa aya ati vakuru vavo ndivo vavaudza kuti vapinde mumusangano uyu kunyange MDC isiri kuzvifarira.
VaChimhini vati vazoona zvakakodzera kuti vasiyane nemusangano uyu uchiri panzira pane kuti mapurisa anzwe zvavange vachitaura nezvazvo.
Mutauriri weMDC-T mudunhu reManicaland, VaTrevor Saruwaka, vanoti musangano wavo wange une chinangwa chekugadzirisa bato ravo panyaya dzehutungamiri zvichitevera kupatsanuka kwebato iri apo vamwe vakasiya vachinoumba MDC-Renewal, uye kuronga misangano ichaitwa naVaTsvangirai kubva neChishanu kusvika musi weSvondo kuno kuManicaland.
VaSaruwaka vati VaTsvangirai vachaita misangano nevatsigiri vebato ravo kutanga mangwana kuNyanga, Buhera uye kuMakoni.
VaSaruwaka vati VaTsvangirai vanotarisirwa kutaura maererano nezvemariro ezvinhu munyika uye nyaya dzesarudzo uye pamire bato iri panyaya iyi.
Gweta uye uye vaChief Whip weMDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vati zvaitwa nemapurisa nhasi zviri kunze kwemutemo sezvo mapurisa anongoziviswa chete nekuvepo kwemusangano kana chiitiko kwete kuti ndivo vanopa mvumo, yekuwuita kuna kuutadzisa.
VaGonese vati kuita kwemapurisa uku hakuna maturo sezvo pamimwe misangano yakasiyana siyana yemapoka ezvematongerwo enyika vanenge vasipo zvikuru kuZanu PF.
Mutauriri wemapurisa muManicaland, Assistant Inspector Enock Chisiri, vati havana ruzivo nezvaitika nhasi, vachiti vanoda kutanga vaongorora nezvazvo.