Dare Rinoti MDC Renewal Team Haina Masimba eKuranga VaTsvangirai

  • Thomas Chiripasi

Chikwata cheMDC Renewal Team hachina masimba ekumisa mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvnagirai, pamberi pekomiti inotonga vanenge vatadza mubato.

Izvi zvaturwa nedare repamusoro zvichitevera kunzwikwa kwakaitwa nyaya iyi mudare iri China manheru.

Mutongi wedare iri, Va Happias Zhou, vati chipoka che MDC Renewal Team, ichi icho chiri kutungamirwa nevakadzingwa semunyori webato iri, Va Tendai Biti, hachibvumirwe kumisa Va Tsvangirai pamberi pekomiti yakaumbwa nechipoka ichi kuti ivatongese mhosva dzavari kupomerwa nechipoka ichi.

Sachigaro weMDC-T, Va Lovemore Moyo, pamwe nenhengo yekomiti yepamusoro yebato iri, Va Thamsanga Mahlangu, vakaenda kudare vachiti ve MDC Renewal Team havafanire kuenderera mberi nekuita zvavakabvumirana pamusangano wavanoti ndewe National Council ye MDC-T wakabuda nezvisungo zvakawanda zvinosanganisira kumbomisa basa Va Tsvangirai nevamwe vakuru-vakuru mubato iri.

Mutongo uyu usati waturwa, Va Tsvangirai vanga vatoenda ku Chiweshe kwavanoita musangano nevanhu vakakuvadzwa pamberi pesarudzo dzemutungamiri dzechipiri kana kuti run-off dzakaitwa musi wa 27 Chikumi 2008.

Va Zhou vati ve MDC Renewal Team havasi kuzobvumidzwa nedare kuti vaite chero chipi zvacho chakabvumiranwa pamusangano uyu uyo wakaitirwa mu Harare pa Mandel Training Centre kusvikira nyaya yakakwidzwa kudare naVa Tsvangirai yekuti Va Biti nevamwe vavo vavadzosere midziyo yebato ravo yavakapamba yanzwikwa. Va Tsvangirai vari kuda kuti dare ritaure kuti vatungamiri veMDCT chaivo ndevapi.

Mutongi wedare atiwo chipoka chaVa Biti chibhadhare mari dzemagweta panyaya yachakundwa nhasi iyi.

Chikwata ichi changa chichida kumisa Va Tsvangirai nhasi pamberi pekomiti yekuvatonga pamhosva yachiri kuvapomera yekutyora bumbiro remitemo yebato pamwe nekushandisa mhirizhonga mubato.

Chipoka ichi chiri kupomerawo Va Tsvangirai mhosva yekupinda muhurumende yemubatanidzwa yakanga iripo sarudzo dzisati dzaitwa vasina kupihwa mvumo nekomiti ye National Council.

Vanga vari gweta rava Moyo naVa Mahlangu panyaya iyi, Va Douglas Mwonzora, vati vafara zvikuru nemutongo waturwa nedare uyu.

Va Mwonzora, avo vanove zvakare mutauriri we MDC-T, vati hazviite kuti mutungamiri webato ravo agariswe padare repasi pemuti nevanhu vave nebato ravo.

Gweta ranga rakamirira MDC Renewal Team, Va Lovemore Madhuku, havana kuuya kudare paturwa mutongo uyu.

Asi vanotaura vakamirira chipoka ichi, Va Jacob Mafume, vati komiti yavo yasangana ikapa mutongo wayo kunyange hazvo VaTsvangirai vange vasipo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi